
VANHU vakagariswa patsva kuShanga, kuBeatrice, vakasara vasina neremuromo apo mumwe muporofita wechechi yeJohane Masowe weChishanu akaita husiku hwose achinamatira chitunha chemukuwasha wake achiti chaizomuka uye mvura yaaishandisa mukuchitova nekuchigeza yazoshaikwa kunze kwayedza.
Izvi zvinonzi zvakaitika parufu rwaEddison Gunda (42) svondo rapera paseri, uyo akafa nekurwadziwa nezino kwenguva pfupi.
Madzibaba Mikrage, VaPhillemon Madhara (35), avo vanova tezvara vemufi vanonzi vakarara vachinamatira pamwe nekutova mutumbi waEddison nemvura yaidziya iyo yakazoshaikwa zvachose.
Madzibaba ava ihanzvadzi yaSpiwe Madhara (36) anova mudzimai wemushakabvu.
Mutumbi weEddison unonzi wakagara mumochari yekuChitungwiza kwemazuva matatu uko akashaikira.
Madzibaba Mikrage vanonzi apo vakaona mutumbi waEddison pawakasvika kumusha ari manheru, vakati mukuwasha wavo ainge asina kufa, asi aingoda kunamatirwa kuti amuke.
Vehukama vekwaGunda vaivapo zvose nevamwe vemumusha vanonzi vakashevedzwa apo Madzibaba Mikrage vakatanga kutaura nendimi.
Vanhu vanonzi vakazowirirana kuti vavhure bhokisi raive nechitunha.
Bhokisi iri rinonzi rakanovhurirwa panze pemba muporofita uyu ndokutora mvura yaidziya iyo aitova mutumbi uyu achibatsirana nasahwira wemusha uyu, VaFrancis Mhlanga (35).
Vanonzi vakaita maawa matatu vachingova panze apa pasina chaisanduka pachitunha chaEddison.
Achitaura neKwayedza, Madzibaba Mikrage akazviti muporofita uye akange aratidzwa nemweya kuti mufi uyu aizomuka sezvo aiva asina kufa.
“Mukuwasha wangu akanzi afa ndokugara mumochari kwemazuva matatu. Ini kuno ndakanga ndazviona kare kuti zvaitwa nevavengi. Vakazouya nemutumbi ini ndokukumbira kuzadzikisa zvaitaurwa nemweya apo takaburitsa bhokisi panze ndokutanga kunamata nevamwe vanhu.
“Ndakanzi nemweya ndimutove nemvura yaidziya uye takazodzosera mutumbi uyu mumba mushure menguva ingaite maawa maviri kana matatu. Mweya wakanditi aizomuka mangwana acho kuma6 dzekuseni izvo ndakataurira vanhu apo takarara tichinamata. Kana nanhasi uno ndinoti mukuwasha wangu akavigwa ari mupenyu asi chishamiso ndechekuti achamuka akafamba panyika ino,” akadaro Madzibaba Mikrage.
Mamwe maporofita aibatsirana namadzibaba uyu pakunamatira chitunha ichi ndiMadzibaba Pattison Madhara (26) naMadzibaba Marko Madhara (33) vose vanovawo madzitezvara kumufi.
Madzibaba Mikrage akaenderera mberi: “Mweya waitaura zvekuita apo sahwira wemufi uyu, Francis Mhlanga (35), aitora mvura yaidziya mubhaketi achitova chitunha muviri wose. Ave makuseni ndakabata chipfuva chemukuwasha ndikanzwa chichirova zvakaratidza kumuka kwake.
“Asi takazotadza kunzwanana nevamwe vakazoda kuendesa nyaya iyi kumapurisa ndikabva ndaramwa.
“Zvekunzi mvura yaitoveswa chitunha yakabiwa, hapana zvandinoziva hamheno sahwira wemukuwasha zvichida pamwe angazive. Ini changu ndaingomutaurira zvekuita, kana paine akatora mvura iyi handizive kuti anodii.”
VaManda Madhara nemudzimai wavo, Cecillia Madhara, avo vanova vabereki vaSpiwe, vanonzi vaivapo panhamo iyi uye vaitarisira kuti chitunha chemukuwasha chimuke.
“Ini ndakarwadziwa kuti vanhu vakazoramba kuti ndifambire mberi nekumutsa mufi. Ndakaramwa nekuti ndaiziva kuti vanhu vainoviga munhu mupenyu. Nanhasi ndinoti mukuwasha achamuka, ndipei svondo chete ndichakufonerai kuti kuno kune zvaitika, Jesu naRazaro vakamuka wani?” akadaro.
Madzibaba Pattison Madhara akatsinhira nyaya yekuti vari kutevedza zviri kutaurwa nemweya kuti mufi achamuka kubva muguva uye vanoti akatorwa nengirozi iri kumurapa.
Sahwira wemushakabvu, VaMhlanga, vakati vakagezesa mutumbi wechitunha chaEddison vachichitova kuti amuke sezvairehwa nemaporofita.
“Changu ndaingotevedzera zvaitaurwa nemweya, tauru randaishandisa ndakapihwa nemudzimai wemufi nemvura yacho yaidziya. Pakazomiswa nyaya iyi munhu asina kumuka handina kuzoziva kuti mvura yakaenda kupi nekuti vanhu vakanga vasisawirirane,” vakadaro VaMhlanga.
Sahwira uyu akatadza kutsanangura kuti sei asina kuzocherechedza kuti mvura iyi yakaendepi kana kuzoirasa setsika dzechivanhu. Uyuwo Spiwe anoti zvose zvinotaurwa kuti murume wake achamuka kwaari manyepo.
Akati: “Ini ndinoti murume wangu akafa nekuti akauya kuhope dzangu aine zvigubhu zviviri zvemukaka akanditambidza achiti pane madzimai matatu vakamutsitsirira nematombo. Akati andichenura nemukaka ndokunditi ndichengete vana. Akafa haamuke.”
Panyaya yemvura yakagezeswa mutumbi anoti pakavigwa mushakabvu akazotuma vana kuti vanorasa mvura iyi asi haazive kuti zvakazoitwa here. “Panyaya yemvura handichaziva kuti vana vandakatuma kuti varase mvura iyi vakazviita here.”
Amai vaEddison, Mbuya Maggie Gunda (90), vanoti zvose zvaiitika panhamo yemwana wavo hapana zvavanoziva nekuti vaichema.
“Zvekuti tezvara vaida kumutsa mukuwasha wavo hapana zvandinoziva, kana zvavanotaura zvekuti achamuka hamheno kwavari ivo,” vakadaro.
Sabhuku wenzvimbo iyi, VaClifford Mahachi, avo vanonzi vaivapowo parufu urwu, havana kuonekwa nevatori venhau kuti vajekese nyaya iyi.
Mambo Seke, VaStanley Chimanikire, vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kwavari. Nzvimbo yakaitika izvi iri pasi paMambo Seke.



