DETEMBA TINZWE: DAI NDAKAZIVA

naFaith Svosva

Dai ndakaziva hama dzangu

Ndakaziva haitungamiri

Haitungamiri ndakaziva

Chokwadi dai ndakaziva.

Vakuru pavakati dzidza

Ini bodo zvitanda munzeve ndo-o

Dai ndakaziva zvimwe ndaidei

Ndiri paneimwe nzvimbo

Zvino haitungamiri deno.

Deno haitungamiri

Zvimwe mota ndaidai ndiinayo

Zvino hii ndaiziva haitungamiri

Deno haitungamiri tose tingadai

Tiri vatungamiri.

Pavakuru vakati

Rega zvenzwisa

Ini ndikati koimi makanzwisa wani

Pavakati ucharaira neine muchetura

Ini ndikati zvinovava ndezvinozipa

Deno ndakaziva ndisina kuita zvenzwisa.

 

  • ◆ Faith Svosva ari muForm 1 paKenzim College, muHarare.

 

MAONERO:

Haunzweka! Uku ndiko kunonzi kugona kudetemba. Mupepeti, uyu mwana agona zvekuti ndinomupa bhuku rangu randakanyora rinonzi “Imbwa yemunhu” pachena. Kanhetembo aka, kanhetembo kasingatatarike kana kudzungaira kunge munhu akoriwa nekachasu, kwete! Asi kanhetembo kanonakidza kachitamba nemazwi zvakadzama kudarika zera nefomu yaFaith.

Faith anyora nehumhizha kudarika vanhu vazhinji vanozviti vanyori. Hunyazvi hukuru hwaburitswa naFaith, asi husingaoneki nyore hunyanzvi hwekutamba nemazwi, asi iye achitotaura zvaari kuda kutaura nenzira yakangwara. Kune vanogona kuti mwana uyu hapana chaari kutaura, asi vanodaro nekuti vanenge vanzvengwa nehushasha hwaFaith.

Ichokwadi Faith anosvova nemashoko zvinoshamisa. Ini shungu dzangu dzanga dzave dzekuti ndinzwe nyanduri wedu Faith achidetemba nhetembo iyi. Kwandiri haisi nhetembo inonyatsobuda zvakanaka kana iri pabepa, asi ndinoona sekuti inonakidza kwazvo kana uchiita yekunzwa.

Nhetembo iyi izere nemumhanzi, mutinhimira, mabvumira, dzokororo nehochekoche zvekuti inoda kuti urambe uchiinzwa ichitenderera nekutenderedza misoro yevadhara vanenge vachida kunzwisisa kuti Faith ari kuedza kuti kudii chaizvo. Sepaanoti:

Dai ndakaziva hama dzangu

Ndakaziva haitungamiri

Haitungamiri ndakaziva

Chokwadi dai ndakaziva.

Mukatarisisa, muchaona kuti kandima aka kanotanga nekuti: Dai ndakaziva. Mazwi iwayo ndiwo zvakare anovhara kandima ikako. Mukaenda pamutsara wechipiri, muchaona kuti Faith anotanga nekuti, “Ndakaziva . . .” ozopedzisa nekuti haitungamiri.

Asi ukaenda pamutsara unotevera, uchaona kuti izwi raapedzisa naro rekuti “haitungamiri” mumutsara wepamusoro, ndiro izwi raashandisa kutangisa mutsara unotevera. Faith anogona kuronga nhetembo zvinonwisa mvura.

Hushasha hwemwana uyu hunoonekwa zvakare mundima yechipiri paanoti: Zvino haitungamiri deno.

Deno yaari kutaura nderimwe izwi rinoshandiswa panzvimbo yerekuti “dai,” asi hunyanzvi hwaFaith huri pakutamba nemazwi – nekuti kuti deno, kunorevawo kupererwa, kushaya zano. Saka apa mazwi ese ari maviri akwanisa kuti abude achireva zvese zvaanoreva.

Tarisa zvakare kurongwa kwendima iyi:

Deno haitungamiri

Zvimwe mota ndaidai ndiinayo

Zvino hii ndaiziva haitungamiri

Deno haitungamiri tose tingadai

Tiri vatungamiri.

Chave kundinetsa zvino ndechekuti kugona kwemwana uyu – iye ari kuziva here kuti ari kugona kudai kana kuti akanga achingotamba zvake nemazwi? Inzwa unzwe – haitungamiri navatungamiri! Dingindira rake rinozobuda kwekupedzisira kwenhetembo yake, asi mubuditsiro waanoita une hunyanzvi.

Faith anotaura nyaya yenzwisa. Chaari kutaura munhu akada kufanoravira chimwe chinhu – asi achibva afanopedzera miseve kumakunguwo idzo hanga dzichauya. Saka Faith abva aratidza kurwadza kwekukungura kuri kuitika kumunhu uyu – akaraira ine muchetura.

Faith asvova zvake, asi anotisiya tichipishana pfungwa kuti muchetura uyu chii chaizvo? Inhumbu here? Kana kuti iHIV neAids here? Hazvina anoziva, asi tapihwa rekufuga nerekuwarira.

  • [email protected]
  • ◆ Faith svika kumahofisi eKwayedza uzotora bhuku rako pamazuva epakati pesvondo. – MUPEPETI.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×