ZLATAN Ibrahimovic akakumbira kugadzikana kubva kuvatsigiri vake avo vari kuda kuziva kuti shasha iyi ichanotambira nhabvu yayo kuchikwata chipi mwaka unotevera.
Mutambi uyu, uyo akambotambira zvikwata zvinoti Ajax, Barcelona neJuventus ari kufungidzirwa zvikuru kuti anogona kuenda kuManchester United, zvichitevera kutaura kwaakaita kuti ari kubva kuParis Saint Germain yekuFrance uko akahwina mikombe yakawanda.
Ibrahimovic nemusi weMuvhuro svondo rino akati achazivisa neChipiri kuti achanotambira nhabvu kupi, izvo mutambi uyu aiti zvichazunguza pasi rose.
Asi akange ari kungotamba nepfungwa dzevanhu sezvo musi uyu akazovisa kuti ange ave kutengesa nhumbi dzaanogadzira iye.
Asi apo paaibvunzwa mibvunzo padandemutande reFacebook kuParis, Ibrahimovic akabvunzwa nemumwe mutsigiri wenhabvu kuti azivise kuti ari kuenda kunotambira nhabvu yake here kuManchester mwaka unotevera.
“Hapana zviripo parizvino,” akapindura apo aive nefungidziro yekuti munhu aimubvunza uyu aive mutori wenhau.
“Uri mutori wenhau here, kwete? Hapana kutaura kuti hongu kana kuti kwete saka chimbomira kwekanguva.
“Ndoda kuti murambe muchifunga nezvazvo kuti ndiri kuendepi, rambai muchinyora nhau dzenyu, ndinodzifarira zvikuru pose pandinodziverenga. Kana ndaneta nekudziverenga ndipo pandichakuzivisai kuti ndiri kuenda kunotambira kupi.”
Pakutanga Ibrahimovic akati, “Ramangwana rangu riri kuA-Z. vachange vachipfeka A-Z kuManchester zvakare”.
Ibrahimovic akatungamira PSG kuhwina mikombe mina yeligue 1, uye ndokuhwina mubairo weLigue 1 Player of the Year katatu.
Kunyangwe hake asina kubatsira PSG kuhwina mukombe weChampions League, kaputeni weSweden uyu akati nguva yakange yakwana kuti achibva kuFrance.
“Dai ndaida ndaigona kuramba ndichitambira chikwata ichi kwemakore mashanu anotevera,” akawedzera. “Inosvika nguva iyo yaunoita zvose. Basa unenge wapedza.” — Sky Sports News




