DETEMBA TINZWE: HARIURAYE

 naCleopatra Shurugwi

Kana yoturuka

Yoita zvayo zviye

Iwe rima nomoyo

Unonzwa mandichazoti ndoti

Yowe-e apa bate apa siye

Akazvara matife nenzara.

Paye panonyudza

Panoda mupunga

Chibage chinoshapudza

Chiramba kupakata

Choita setsunga

Nzara yon’en’ena

Ziva ivhu mwana wevhu.

 

Simbe kumujuru

Vakadaro vakuru

Anodyara nyama

Achakohwa kuora

Badza harina warakauraya

Asi rakatounza hupenyu.

 

Cleopatra Shurugwi ari muForm 2 paChitepo Secondary School, kuMarondera.

 

MAONERO:

Musoro wenhetembo iyi wakanaka zvikuru nekuti hautambise mashoko, asi unobva wangoti ga! Asi ipo pakungoti ga ipapo, uri kukoka vaverengi nevatereri kuti vade kuziva kana kubvunza kuti rinombova riiko riri kunzi hariuraye? Saka izvi zvinovakwezva kuti vade kuterera kana kuverenga kuti vanzwe zvakawanda.

Ndinofara nekuchenjera kwanyanduri Cleopatra Shurugwi. Kana mukacherechedza ndima yake yekutanga, ari kutaura nezvekunaya kwemvura zhinji, asi hapana paanombonyatsodudza kuti “mvura”. Anoita kuti vaverengi vabva vanyatsogutsikana kuti pari kutaurwa zvemvura zhinji paanoti: Kana yoturuka,

Yoita zvayo zviye.

Apa hapana mubvunzo kuti mvura iri kutaurwa yakaita sei. Imvura zhinji iri kunaya nenzira inozadza nzizi nekupa hupenyu kumbesa nevanhu.

Saka ndizvo zvinobva zvaita kuti kuraira kwanyanduri kureve chinhu paanoti, “Iwe rima nomoyo.” Ari kuti denga raita paro, saka iwewo chiitawo pako. Asi anobva ayambira dambudziko rinokonzerwa nevaye vanoverengera paanoti:

Unonzwa mandichazoti ndoti,

Yowe-e apa bate, apa siye.

Nyanduri uyu mudhumeni chaiye, nekuti ndima yake yechipiri yanangana nekupa ruzivo kuti vanhu vabudirire sevarimi. Ndizvo zvaita kuti ati, “Ziva ivhu mwana wevhu.” Chaari kuyambira kuti kungorima nemoyo asi usina ruzivo hakubatsire. Ave kunyeurira vaverengi kuti vazive nzvimbo dzinoita uyewo nembeu dzinorarama imomo.

Pakupedzisira, mudhumeni-nyanduri wedu anoenda kunotora mashoko kubva muBhaibheri rinoti simbe iende kunodzidza kubva kumujuru. Nyangwe zvazvo Bhaibheri richishandisa chirevo chekudyara nyama nekukohwa kuora neimwewo nzira, pano nyanduri ari kutaura pamusoro penungo chaidzo. Izvi ndizvo zvinoita kuti apedzise achiti badza harina warakauraya.

Nhetembo yake yakanaka nekuti inonakidza uye yakareruka, asi ichitaura zvinhu zvakadzama kwazvo. Anogonawo kutamba nemazwi nenzira inonwisa mvura, uye kushandisa mabvumira nehochekoche. Chinhu chinongoda kugadziriswa nanyanduri-mudhumeni kuziva mashandisirwo ezvimiso. Asi ramba uchinyora nekuti une chipo Cleopatra.

 

[email protected]

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *