Kuziva mitupo kwakakosha

Ticha Danga
NEMHAKA yekuti mugapu munokandwa twose twose, tinoda kuedza kutsvaga twose kana netwatakasiya mumashure titwukande imomo kuti tigadzire mudya ndakasungwa maererano nechiShona chedu nedzidzo yamangwana nekuti rurimi rwaamai ndiyo nhaka yedu.

Nekudaro tinofanirwa kuipfumisa nhaka iyoyo kuti nekwatichanodzidza tifambe munzira isina minzwa yerukato.

Chikamu chapfuura takatarisa mitupo nemadzinza asi hatina kuipedza.

Nhaurwa yemitupo nemadzinza inobatsira kuti tizive rudzi rwedu zvakanaka uye tikaziva mitupo tatoziva hama dzedu, haticharoorane vehukama nekuti zviya zvekuzobvisa mombe dzekucheka hukama zvinofumura musha.

Tinoisimudzira yemitupo nemadzinza tichitanga nekubata vaera shumba.

Ava ndivo vanozviti vana rupwapwaturo vane mipatsa inokwana kuita mishanu.

Kune shumba yechidao chekwaMhazi, vane mukurumbira vari vedzinza reChirumhanzu.

Vamwe vana Shumba vane mukurumbira ndivo ana Nyamuzihwa, vaye veNenguo.

Vanotaura vanoti mudunhu raNenguo mune vanhu vashoma vasiri vaera shumba.

Kune vamwezve vaera shumba vakagara kudunhu reNemamwa, kuMasvingo.

Ava vane chidao cheMuguriri, dzinza ravo riri Nemamwa. Kunewo vaera shumba vechidao cheMhazi, ndivo vedzinza revaGonera.

Pane vamwewo vaera shumba vechidao cheMurambwi, dzinza ravo riri rekwaChivi. Kunozopedzisira neShumba Sipambi vedzinza reCharumbira.

Kune vaera Tembo, avo vanozvimisikidza nemipatsa yavo mitatu.

Kune Tembo vechidao cheMazvimbakupa vane dzinza raChihota. Kunozoitawo vamwe vana Tembo vari vechidao cheSamaita dzinza riri reMutasa. Kunozoita vana Tembo vechidao cheWakapiwa vedzinza reBuhera.

Kune vaera Tsiwo, vasina kana nemupatsa wose.

Dzinza ravo ndereSerima ivo vari vechidao cheMukuberi. Mupatsa wedzinza nechidao ndivo vaera Manzi vari vedzinza raBepura.

Vaera Gumbo ndivo vanozikanwa nechidao cheMadyirapanze kana kuti Sambiri.

Vaera Gumbo ava ndeve dzinza reGutu, vana Gwai ndivo vana Muparadzwa pachidao asi dzinza ravo riri reGora.

Vaera Gwai vanozivikanwa nekunyarara ndokusaka vachidunhurirwa kuti vana Chinyerere.

Vaera Mbizi vana Dhuve havana mupatsa zvakare uye chidao chavo iMupahami, vari vedzinza reChirumhanzu.

Vaera dziva vane mipatsa mitatu, kune vechidao cheMapira dzinza riri Save.

Kune vamwezve vedzinza raSave asi vari vechidao cheMuziyakanwi.

Mupatsa mumwe wevaera dziva ndiwo wechidao cheMunhobvu waMambo. Dzinza reMunhobvu waMambo ndereNyika.

Vana Soko vanoindawo mudariro nemipatsa yavo miviri inoti Soko Murehwa vedzinza revaShawasha kozotiwo Soko yechidao cheKumene dzinza riri reMudzimurema.

Kunewo vaera Beta vechidao cheDhliwayo asi hatikanganwi vaera Mheta vechidao cheChiwambo. Kunozoti vaera Humba vari vechidao cheNyanguru.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *