DETEMBA TINZWE: HEYA NHAI?

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

naPaul Vagere

Heya nhai shamwari?

Ndokuita kwako uku?

Uku kunenge kwesvoto

Chokwadi vanhu vaingova bhandi nebhurugwa here?

Asi nhasi wondisema setsvina kudaro?

Heya nhai ndozvauri izvi?

Inga raisvika pakuti nya wani tichingotamba?

Vemarokwe taingopfimba tose wani

Mhanzi tichipenga nayo tose,

Pachikoro tichizezesa tose.

Ko iwe nhasi wazokunda pabvunzo sei,

Ini ndisina kana rimwe zvaro matandanyadzi?

Heya iwe uritsukukuviri?

Ndaitika tiripamwe

Asi wava kwenyu kumba waifa nokurava.

Taisapinda hedu tose muzvidzidzo,

Asi iwe basa waizoita nerweseri.

Taiita setairaradza tose,

Asi iwe waiziva zvawaiita.

Zvino nhasi wazondisiya panyanga dzamushore shamwari.

Ndongochema ndichiti dai sebenzi.

Asika ndichagotyeiko kununa iwe wakatondisasika?

Wadzidzaka hauchataura neni rombe

Saka ndongozvichemera hangu ndichingoti

“Heya nhai, ndozvauri shamwari?”

Paul Vagere ari muForm 4 paSt Mary’s High School, kuChitungwiza.

MAONERO:

Paul nhetembo yako ndaifarira zvikuru. Ndafarira kukungura kuri kuita imwe “shamwari” yakanga ichifunga kuti yawana shamwari, asi isingazive kuti kuita misikanzwa nezvinhu zvisingavake kune mubairo wakaipa.

Asi maburitsiro awaita mubairo wacho ndiwo anyanya kundifadza. Waita kuti vanhu vaitamba vese vachiita zvakaipa vati mumwe ashamise mumwe wake nekupasa chikoro obva aenderera mberi nehupenyu, asi uye waaitamba naye vachifurirana obva akundikana zvekuita rombe. Kushandisa mutauro wenyu mazuva ano, “pakaipa.”

Iyi nhetembo yaburitsa kupusa kunoita vana vanongobatwa nemweya yekutevedzera vamwe, asi ivo vasingazive kuti munhu wavari kutevedzera akamira sei. Saka chiri kuratidzwa naPaul ndechekuti kana nguva yekuyambuka rwizi yakwana, vaye vawaifunga kuti muchayeredzwa nerwizi mese vachayambuka, uye kana vayambuka, iwe uchayeredzwa nerwizi.

Nyangwe ukachema uchiti vakubatsire, havacheuke nekuti iwe uri mumvura, asi ivo hupenyu hwavo huri pakaoma, pasingauraye. Saka nhetembo iyi yagona kutaura nyaya inouraya vechidiki vazhinji mazuva ano. Asiwo zvakare iri kuyambira vaye vane tsika iyoyi yekungoita gundamusaira mbudzi iri muhwai kuti nguva yekuverengwa inokwana ukayanikwa pachena.

Chimwe chagonekwa nanyanduri munhetembo kushandisa chidavado chemibvunzo. Mibvunzo yacho yatangira pamusoro wenhetembo, ndokungoramba yowanikwa mumutumbi wenhetembo. Izvi zvinoratidza mamiriro epfungwa dzeshamwari yakarasiswa iyi. Zvinonzi dzokororo ine simba, asi apa haisi kuperera pakusimbisa zviri kutaurwa, asi iri kuratidza kukungura kwakasangana nekurwadziwa kuri kuita shamwari yakapusa iyi.

Uye mibvunzo yacho haisi mibvunzo inoda mhinduro. Mibvunzo iri kungosakadza muridzi wayo zvekuti kudunura kana kudemba kwake kunobva kwanyatsonzwisa tsitsi. Iyi tingati inhetembo ine matingindira akawanda anosanganisira: kupusa, kurasiswa, kukungura, kuomerwa nehupenyu.

Asi pane paedza kushandiswa hochekoche ikaramba kubuda zvakanaka. Yatozoita sekunokanganisa nhetembo. Apa ndipo pawati:

Ndokuita kwako uku?

Uku kunenge kwesvoto

Wanga uchida kuti izwi rekuti uku rawapedzisa naro mutsara wako rive ndiro rinotanga mutsara unotevera wacho, asi kutanga mutsara wako wechipiri nenzira iyi kwaita kuti uite kunge usina kupedziswa.

Chimwe zvakare izita renyoka rawati “tsukukuviri” asi richinzi “tsvukukuviri.” Iwe sanyanduri paunenge uchinyora nhetembo usakanganwe kuti uri kutodzidzisa vamwe mazita nemanyorerwo awo chaiwo. Uye tichiri ipapo, wanga uchifanirwa kupatsanura izwi rawanyora uchiti, “uritsukukuviri” kuti riti, “uri tsvukukuviri.” Rimwezve rinoda kupatsanurwa ndi”tiripamwe” rinofanira kunzi, “tiri pamwe.”

Asi mushonga wawashandisa pakurapa nhetembo iyi uri pakushandisa izwi rekuti “Heya.” Izwi iri rakanyatsokodzera uye rinoburitsa kurwadziwa nekurasiswa kwese.

Asi ndinoona kuti pakupedzisira shamwari iri kutaura iyi iri kupomera shamwari yayo mhosva. Iyi inyaya inoda kuti vanhu vaite hurukuro, asi hapana chekutsvaga kupomera mumwe mhosva, munhu ngaatarise kupusa kwake agadzirise hupenyu hwake.

Waita zvako Paul, ramba uchinyora.

 [email protected]

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×