DETEMBA TINZWE: MAPFUNDE

naRosemary Vinho

Huya uone ugodzokera

Ugodzokera wondorima ako

Ako mapfunde mugore rinouya.

Hurudza kurima uchikohwa

Uchikohwa pakuru panotsigisa nyika

Nyika haikohwerwi musaga kana mubhara

Houno murimi mutsigisei mumupe hwaro

Hwaro hwebadza guru,

Tsimbe inovata naro

Jena muponisi houno pano

Pano vekukwata go go go

Go go go kuti vaswere vabvuvirwa

Vabvuwirwa remapfunde rakati tsepete

Mhururu muridzo vabereki

Korokotedzai hurudza yakohwa

Yakohwa vamwe tiri kutsi kwehope

Mapfunde ane pundutso.

◆ Rosemary Vinho anodzidza paWarren Park High School, muHarare.

MAONERO:

Nhetembo iyi ndinoda kuzoinzwa ichidetembwa nemunyori wayo nekuti yandinakidza nekuda kwekuita sechimbo kwayakaita. Ndafarira hochekoche yemazwi ekupedzisira anga achibva anoshandiswa zvakare kwekutanga kwemutsara unotevera zvekuti ndafunga chimbo chaiimba kare chekunyaradza vana chinoti:

Mwana wenyu achema vakoma,

Achemera amai vakaenda,

Vakaenda mhiri kwaMungezi

KwaMungezi kune banga jena

Banga jena rekucheka nyama . . .

Nyanduri ashandisa chidavado ichi munhetembo yake zvekuti yabva yatsetseka zvakanaka kunge sadza remapfunde. Aya manyorero enhetembo anoratidza kuti munyori uyu munhu asingangoita zvinhu sezvatinongoziva, asi kuti akangwara pakuziva kuti nhetembo inoda kuve nechimiro chinoita kuti irongeke, kuimbika nekunakidza. Nyatsonzwai:

Huya uone ugodzokera

Ugodzokera wondorima ako

Ako mapfunde mugore rinouya.

Hurudza kurima uchikohwa

Uchikohwa pakuru panotsigisa nyika

Nyika haikohwerwi musaga kana mubhara

Chandingade kuziva ndechekuti nyanduri akadenhwa nei kuti azonyora nhetembo iyi?

Inyaya yemapfunde chete here iri pano? Ko zvaari kuti mapfunde ane pundutso, asi asingatiudze kuti ipundutso rudzii iri mumapfunde? Kunyora kwanyanduri wedu kwakanaka, asi kuri kuita sekuti ari kunyorera vekambani dzinotenga kana kutengesa mapfunde kubva muvanhu.

Ndafara nekupembedza hurudza inorima nekukohwa pakuru. Kuna nyanduri wedu kukohwa pakuru hakusisiri kunobatsira bhuku kana dunhu rako, asi nyika yese.

Ipapa ndipo panoita kuti nhetembo iyi ive chinyorwa chakakosha kwazvo.

Nyika ngaivakwe nekusimudzirwa nevanhu vanoshanda nesimba.

Chimwe chinhu chandafarira munhetembo iyi kuziva kushandisa mutauro nezvirungamutauro. Munhetembo mashandiswa nyaudzosingwi zvakachenjera – sepaati go go go nepamwe panzi tsepete.

Ichokwadi wandishevedza pamwe chete nevamwe vaverengi, asi ini ndauya ndikaona, saka ndave kudzokera ndinotsvaga mapfunde. Unogona Rosemary.

[email protected]

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×