MWARI vari kutsvaga vanhu vanovada, vanovanamata. Asi isu tave kuda nekunamata swag, kutsvaga mari, mikana, kurarama, kutsvaga maporofita, madhiri nemafoni anoenda paWhatsApp. Tave kutsvaga mari nyangwe nemuchechi kufanana nevanhu vakarohwa naJesu vachitengesera muchechi.
Tave kutsvaga mari zvekuti kana madhiri anobhadhara mari ine mumvuri achiitika nemusi weSvondo, tinoti Mwari ngavambosudurukire kure.
Vhangeri rave kufamba nderekuitirwa kuti zvinhu zvako zvifaye nezita raJesu. Ndakatiza chechi yaindiudza kuti, “Zvako zvinoita chete gore rino nezita raJesu.”
Makore matatu akangopera ndichiudzwa kuti rakanga riri gore rangu. Asi makore nenguva ndezvaMwari, uye kuwana kana kushaya mari, mikana, mabasa nezvimwe zvinhu zvinonyunguditsa mwoyo hazvireve kuti Jesu andiramba. Nekuti hakuna chingandiparadzanise nerudo rwaMwari.
Kune vakafa vakazadza mari kubhengi nemudzimba dzavo. Mari iyoyo haina kugona kuvapa hupenyu, dzimba dzavo dzinotyisa hadzina kuvarapa, kana mibhedha yavo nemagumbeze akapfava semakushe ekanhiyo haana kuunza hope, runyararo nerugare.
Nyika taida zvekuti nyangwe muchechi mazara nyika. Taunza nyika muchechi, zvekuti zvatave kuita mumachechi ndezvenyika, uye tatozvijaira zvekuti hatichamboona dambudziko pazviri.
Ndaitaura pane mumwe musangano pakanga pataurwa nyaya yekuti maKristu tizive nekukunda vanaGoriati muhupenyu hwedu. Goriati akanga akanyanya kukura muhupenyu hwedu ndiye wekutadzisa isu vanhu vaMwari kubudirira nekutiwanisa zvatinoda muhupenyu.
Shoko iri rakanga rakanaka, uye richikurudzira. Asi handina kufadza vamwe pandakazotaura kuti semaKristu, ngatisakanganwe kuti kukunda kwedu hakusi mukuuraya Goriati tobva tapihwa mubairo namambo.
Chakakosha kuti tive nehukama naMwari. Chakakosha kugutsikana nekuti Mwari havana kutishevedzera kuti tizopfuma panyika. Mwari vanofara nehushamwari hwedu navo, hushamwari husiri hwekuti ndichazowana chino nechocho.
Jesu akati vanhu vatsvage hushe hwaMwari kutanga, zvimwe zvese zvavanoda zvozouya. Asi isu tiri kuita minamato yekubata Mwari tichivakikiritsa kusvikira tavabvarurira bhachi ravo.
Tiri kuvaudza kuti, “Handikusiyei kusvikira mandiropafadza.” Asi pachiine rudo nekutya Mwari here apa? “Munhu achagobatsirwa nei kana awana nyika yese, asi orasikirwa nehupenyu hwake?”
Kuda zvinhu kunogona kuita kamwari katinonamata panyika pano. Asi kuve ne100% Brazillian mumusoro kana kuve nemota inoita kuti unzwe sekuti denga rako riri pano pasi hakusi kuropafadzwa. Nyangwe akanga anzi naMwari simuka ubve munyika yako, uende kunyika yandichakuratidza, Abraham haana kufa aine nyika yaishevedzwa nezita rake saCecil John Rhodes aive neRhodesia.
Kana pakafa mukadzi wake Sarah, nyika yaive naAbraham waingova munda chete. Iye Abraham aigara mumatende, uye akafa achitenda, asi asina kupihwa zvaakanga avimbiswa, asi akazviona zviri kure akazvikwazisa, akazvimbundikira akaziva kuti muyeni nemufambi panyika ino. Abraham akagadzirirwa guta rinodarika nyika ino naMwari.
Hukama hwedu naMwari hwakakosha kudarika nyika nemari nebling neswag.
Asi ndakaudzwa kuti zvekuenda kudenga nehupenyu husingaperi ndezveimwewo nguva yekumberi, iko zvino tinofanira kumbounganidza zvinhu. Asi ini ndinotya kufa kaviri – kuita mufakose. Kufa kwekusaziva Mwari, nekufa kwekuzoshaya hupenyu husingaperi nekuda kwekuda nyika.
Munguva ino yatiri kudya, kunwa nekufarisisa nekuda kweKirisimasi, ngatisakanganwa kuti Mwari vakatipa Jesu.
Mwari vakatipa Jesu kwete kuti atipe zvese zvatinoda panyika pano, asi kuti kubudikidza naye tigozove naMwari nekusingaperi.




