naShingirai Manyengavana
Pazvinoita sezvinorema,
Zvichimboita sezvaneta.
Nemabvi ndinongopfugama,
Kune vari kumusoro ndonamata
Kuti zvigare zvabuda bhobho.
Ishe ndifukidzeiwo nejira reshingiso
Mondipfekedzawo manyatera ehunjeri.
Kuti ndizove nesimba rekuvaka.
Kuzoputsa zvandavaka handidi!
Nditungamirirei ndiwe wemberi semhino.
Kwete kuti ndive weshure semuswe.
Nzira yangu Mwari chenesai.
Pandinobata ngandibate zvinobatika.
Ndisangove wekubata-bata kuti zvibatane
Zvandinobata ngazvive nekubata kwenyu
Zvisangove nekubatanidza kwangu.
Kana motonga tongai nekuda kwenyu,
Kwete kunditonga mukuda kwangu.
Vamwe pavanotsvaga raramo,
Ini nganditsvage ruramo.
Zvandinonyora ngazvive pakusimudzira,
Kwete pakudzikisira.
Wese chinyorwa chino averenga,
Mubayei nejekiseni remakomborerero!
- Shingirai Manyengavana ari muForm Form 5 paAlpha Institute, kwaMutare.
MAONERO:
Ndinofara nemwanakomana wekwaManyengavana anonzi Shingirai nekuti haasisiri muenzi muKwayedza panyaya dzekunyora nhetembo. Ndichiri kumuziva achanyora ari kuChitungwiza, asati azoenda kumakomoyo kwaMutare.
Pana Shingirai ndiri kuona nyanduri achaita kuti mhodzi dzenhetembo mumutauro weShona dzakadyarwa nanaHamutyinei, Mandishona nevamwe kare dzirambe dzichitumbuka. Shingirai ndinyanduri ari kukura pamakore nepahunyanzvi hwekuve mhizha yemashoko.
Ndinonzwa kufara kana vana vane zvipo saShingirai vachinyatsoshandisa mikana yakaita sedariro rino rinopihwa neKwayedza.
Shingirai haangonyora nhetembo chete, asi anonyatsokanga zvidavado mupoto yake kusvikira zvayuwira nekutsvukirira pamwe chete nekunhuhwirira.
Regai tipinde muchechi yamufundisi Manyengavana tinzwe vachinamata. Musoro wenhetembo yake chikumbiro, uye unobva wangoti dyo pane zvauri kuda — kutungamirwa. Chikumbiro chake chinonyatsoyanikwa pachena nekuda kwemashandisiro aanoita mutauro.
Ari kuti pane nguva dzazvinomboita sezvisisiri kufamba. Kungwara kwemashoko ake ndekwekuti, ari kushandisa izwi rekuti “se” kana kuti “kunge” kuti aratidze kuti zvingangoita sezviri kudaro, asi ini ndinoziva zvekuita kuti ndizvigadzirise — ndinopfugama.
Senguva zhinji dzaanonyora, chandinofarira munhetembo dzaShingirai kusazesa kushandisa mutauro sezvatinonzwa mazuva ose.
Pano ari kupedzisa ndima yekutanga nekuti, “Zvigare zvabuda bhobho.” Atotaura zvinhu zvakadzama nezwi rekuti bhobho nekuti kana uchitamba tsoro, bhobho ndimambo.
Humwe hunyanzvi hwake huri kubuda mumashandisiro aari kuita enzaniso kuti zvaari kutaura zvijeke nekuve nehudzamu.
Izvi zvinobuda paanoti:
Ishe ndifukidzeiwo nejira reshingiso
Mondipfekedzawo manyatera ehuchenjeri.
Kana ukatarisa ndima yetatu, ndipo pauchaona hunyanzvi hwemwana uyu. Matambiro aanoita nemazwi anoita kuti nditi dai riri bhora ari Lionel Messi wenhetembo. Ndima iyi yandiita kuti nditsvage mukombe wemvura waMtukudzi nekuti inoyerera sehuchi. Tarisa hushasha hwaitwa pano:
Pandinobata ngandibate zvinobatika.
Ndisangove wekubata-bata kuti zvibatane
Zvandinobata ngazvive nekubata kwenyu
Zvisangove nekubatanidza kwangu.
Asati azopedzisa nekukumbira kuti vaverengi vabaiwe jekiseni remakomborero, ambodzokera kunoshaina zvakare nemutauro achiti:
Vamwe pavanotsvaga raramo,
Ini nganditsvage ruramo.
Uku ndiko kunyora kwemandorokwati.
Kana vana vave kunyora nhetembo seizvi, ndinoti kuKwayedza, zvabhadhara!




