Vakauya nemibairo kuSouth Africa

CHIKWATA chevana veZimbabwe Young Scientists icho chaimiririra nyika kumakwikwi ezviratidzwa zvemabasa emawoko, eYoung Northern Gauteng Expo, ayo akaitirwa kuSouth Africa nguva yadarika, chakadadisa zvichitevera kuhwinha kwachakaita menduru nhatu dzesirivha pamwe chete ne”merit award”.

Mukuru wechikwata ichi achiva zvakati akachivamba, Knowledge Chikundi, anoti chinangwa chavo ndechekusimudzira zvidzidzo zvakaita seScience, Mathematics neEngineering.

“Vadzidzi vanofanirwa kuita zvidzidzo izvi kutangira gwaro repuraimari kusvika kuyunivhesiti,” anodaro Chikundi.

Anoti kumakwikwi aya, Zimbabwe yaimiririrwa nevana vanomwe vepachikoro cheQueen Elizabeth Girls High, muHarare.

Vana ava ndevanoti Rondel Anesu Wine (Form 6), Perculiar Mandota (Form 5), Audrey Rumbidzai Vengesai (Form 3), Rashida Abdul (Form 3), Sheila Mungani (Form 5), Kudzai Chabara (Form 5) naAshley Lois (Form 1).

“Kwaive nezviratidzwa zvinosvika 400 kubva kuzvikoro zvesekondari zviri munyika dziri mudunhu reSouthern Africa. SeZimbabwe, takaenda nezviratidzwa zvina zvaisinganisira firiji isingashandise moto wemagetsi nemushonga unobatsira pakuderedza marwadzo emoyo kana uchinge uchipisa,” anodaro Chikundi.

“Zvidzidzo zvemakwikwi aya zvaiva zvemabasa emawoko, zvinova zvinofambirana nechirongwa chekusimudzira upfumi hwenyika, cheZim-Asset.”

Anoti kubudirira kweZimbabwe kumakwikwi aya kwakaita kuti isarudzwewo pakati pezvikwata zvichanomirira Africa kumakwikwi eEskom Expo International Science Fair, ayo achaitwa muna Gumiguru wegore rino kuSouth Africa zvakare.

Vanenge vakunda pamakwishu aya vanozopfuurira mberi kumakwikwi epasi rose, eIntel Science Fair Worldwide, achaitirwa kuUnited States.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×