naTrish Rabson
Ticha vebenzi mufaro havana.
Panofoira mwana vanosvorwa.
Asi ivo vakaita pavo.
Benzi iri rinenge riri nhinhi.
Vanoita zvose zvinotarisirwa.
Kuti benzi ripase asi
Zvinokona n’anga murapwi achida.
Kudomuti verengavo zvinoita vamwe.
Iye gotsi papata sechinyamakohowo.
Muchikoro kuteerera hapana
Pfungwa dziri panharembozha.
Nyarawo manotsi, unoudza danda.
Zvikowera gumi nefararira.
Mudzidzisi gume ati kunge nyimo
Kurima hwamandikona.
Kudomuti regai zvedzvetsva.
Zvanzi inguva yedu, mune godo.
Iwo mapfekero mazauone.
Orembedzwa seuya wazviitira.
Iro vhudzi zvoroitwa.
Ungati igomo raburwa mumafuta.
Ah! Ticha mhosva mwene wayo.
Mudzidzisi kudotsiurwa
Hanzi haiwa makasara.
Kuti urove wosungwa nemutemo.
Tichamuti panyanga dzamushore.
- Trish Rabson ari muForm 1 paKezim College, kuChitungwiza.
MAONERO:
Nhetembo yako ine musoro unoti “Ticha vebenzi,” asi kana toiverenga, iri kutaura nezvebenzi racho kudarika zvaticha.
Saka ipapa panoda kuti upagadzirise kuitira kuti musoro wenhetembo usazoita kuti vanhu varidze tsamwa nekuti zvavanga vachitarisira nezvavanozosangana nazvo zvasiyana.
Trish ndazviona kuti une shungu dzekuraira vamwe kuti vabve pahunhu hwakaipa. Asi nyangwe wazama kunyora nenhetembo inonwisa mvura, dambudziko guru nenhetembo yako nderekuti haisi kuverengeka zvakanaka nekuda kwemhosho dzakawanda.
Pane mitsara nemazwi akamira ega awashandisa, asi asina zvaari kureva, kana kuti anoita kuti muverengi afunge kuti iwe sanyanduri uri kungodhumhira dhumhira.
Mienzaniso yezvinhu zvandiri kutaura zvakanganisa nhetembo yako ndeizvi:
“Kuti benzi iri rinenge riri nhinhi.” Handina kunzwisisa kuti wanga uchida kuti kudii, asi zviri kuita sekuti pane mamwe mazwi awasiirira kunze.
Zvino hazvibatsire kuti ndiite zvekufungira kuti unenge wanga uchida kuti kudii. Gara wadzokorora basa rako kuti zvigare zvakabuda shudhu!
Pamwe pacho wati: “Nyarawo manotsi, unoudza danda.”
Apa pari kuoneka kuti wanga uchida kuti “nyorawo.” Asi wanga wagona kushandisa mufananidzo wedanda, unoburitsa kusatirimuka.
Wazoti zvakare:
Mudzidzisi gume ati kunge nyimo
Kurima hwamandikona.
Apa wanga uchida kuti, “kange nyimo, kurima kwandikona.”
Zvakarewo mutsara wako wekupedzisira wati, “Tichamuti panyanga dzamushore.”
Apa handina kunzwisisa kuti wanga uchida kuti kudii nyangwe zvangu nyanga dzaMushore ndichidziziva.
Zvinenge zvakakosha kuti unyatsocherechedza zviperengo, zvimiso nemanyorero ako kuitira kuti usasvibise vaverengi venhetembo yako mwoyo.
Uye, usakanganwe kuti kana wave kupedzisa nhetembo, ndipo pakakosha kuti ubva wanyatsoti ga, zvinoita kuti muverengi agutsikane kuti wapeta zvinonwisa mvura.
Zvisinei, ramba uchinyora nekuti kana tikarega kutarisa zvemhosho dzandataura, nhetembo yako inonakidza uye zvinoonekwa kuti une chipo.




