‘Dhongi harizi rekurimisa’

RIMWE sangano rinoshanda nevarimi reVoice of Domestic Animals Trust (VODAT) rovakurudzira kuti vabate zvipfuyo zvavo zvakanaka uye rinoti madhongi haazi ekurimisa sezvinoitwa nevamwe asi kuti anogona kushandiswa mune mamwe mabasa epamusha akareruka.

VaDavid Mukunda avo vanove mukuru wesangano iri rinodzidzisa varimi mabatirwo akanaka ezvipfuyo vanoti madhongi anogona kushandiswa mamwe mabasa akaita sekuendeswa kuchigayo, kuchera mvura nezvimwe asi kwete kurimiswa nekuti izvi hazvikodzerane nawo.

“SeVODAT tine chinangwa chekudzidzisa varimi vedu kuti zvipfuyo zvedu zvinofanirwa kuchengetedzwa zvakanaka sekuchengeta kwatinongozviita isu vanhu. Varimi vakaziva kuti madhongi haarimiswe kana kuti imbwa inoda kugezeswawo chokwadi tinogarisana zvakanaka nezvipfuyo izvi kana maberekero azvo anotosanduka nekuti zvinopiwa chikafu nezororo rakakwana,” vakadaro.

“Takatanga boka reVODAT muna 2014 tiri vaviri nemudzimai wangu mushure mekunge tasangana neimbwa yainge yakaraswa. Chidokwa-dokwa chakazokura ndokupinda mumadhongi, mbudzi, mombe nezvimwewo zvipfuyo. Takabva tangotangisa kupa varimi vemunharaunda medu kwaRusape ruzivo rwekuchengeta mhuka dzakadai,” vakadaro.

Vanoti chinangwa chavo kuti varimi vave nechido nezvipfuyo zvavo.

“Mombe ine zera rayo rekuiswa pajoki, ukaibopa risati rasvika inoita nhinhi, inokurumidza kuneta uye ndipo painoita hasha dzekutunga kana kutiza joki. Zvese izvi zvinofanirwa kuzivikanwa nevarimi kuitira kuti pave nehukama pakati pevanhu nemhuka dzavanochengeta,” vakadaro VaMukunda.

Vanoti chishuwo chavo chekuti vape varimi vari kumatunhu ose enyika dzidziso iyi.

“Kutaura kuno tatova nevamiriri mumapurovhinzi anosanganisira Masvingo, Mashonaland East, Mashonaland Central, Midlands neManicaland,” vakadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×