DETEMBA TINZWE”DARIRO

naClement Mutimwii

Rakatanga riri ranaHamutyinei.

Ndokuzombotorwa nana.C Moyo.

Rakazokakatirwanwa nana B. C Chitsike nanaMandishona.

VaMabasa ndokuzomboridhonzawo pakuru.

Tipeiwo Dariro rakaparurwa nemuzvidzidzo rikapinzwa.

Vadzidzi vakarirava zvine mutsindo.

Magama akarondana vakamanamo.

Asika chinokura chinokotama musoro wegudo chava chinokoro.

Heri dariro taripakatawo isu vanaMuchemera zvirimugapu.

Tapihwa Dariro ndakaritsikisa.

Vatereri vakatapirirwa naro.

Nzeve dzavo dzakavava dzikashaya mukwenyi vachingorirava chete

Mvura mumatsime ikaita shoma munhu wose achida kumwiririrawo.

Kunze kwakachinja kunyangwe kwaitonhora kwakabva kwapisa.

Mutauro waamai wasimbiswa.

Asika mukombe wepandari haupedzwi nemumwe chete.

VaManyengavana vakatipawo Bhazi Renhetembo.

Vana Nyaudzosingwi nanaTsumo vakauya vakadongorera nepamafafitera aro.

Izvi zvose zvichiitirwa kudzosa chivanhu chedu mugwara.

Chasara kuona vachatipinza mujenaguru

Tidzidzirewo mitambo yamaitambawo paya matombo achine midzi

Mukwenyi wengoma tinaye, mbira nehondo ndinogona kuridza

Kushaura ndakadzidziswa zuro

Tererai ndotanga zvino!!!

  • Clement Mutimwii ari muForm 5 paPumula High School, kuBulawayo.

MAONERO:

Ndafarira zvinhu zvakawanda munhetembo ino. Asi chikuru chandafarira inyaya yekuti nyanduri uyu muverengi wemabhuku, uye anoziva nekunzwisisa vanyori vakaita kuti Zimbabwe ikwanise kuvaraidzwa pamwe nekudzidziswa kubudikidza nezvainyora.

Ndinodaro nekuti mazuva ano vanyori vazhinji vechidiki havachawana nguva yekunyatsoverenga mabhuku akanyorwawo nevamwe vanyori vaive shasha. Kuverenga nhetembo kana zvinyorwa zvakaitwa neshasha kunobatsira kuti vanyori vachiri kusimukira vaone kuti zvekunyora izvi zvinofambiswa sei.

Hausi mukana wekukopa, asi wekuratidzwa kuruka kunonwisa mvura.

Chimwezve chandafarira kurongeka kwenhetembo yaClement. Inotanga nekuronda vakuru vezvekunyora nhetembo – vana sorojena vacho. Ndivoka ana Hamutyinei, Chitsike, Mandishona nevamwe. Apedza navo, anosvetuka kuenda kune vanyori vakazotevera, ndivo vaye vakanyora mushure mekunge nyika yawana rusununguko.

Apedza navo, anobva atara muganhu kuti achitiudza zvevanyori vazvino vakaita saye. Ndipo paanotiudza kuti:

Asika chinokura chinokotama musoro wegudo chava chinokoro.

Heri dariro taripakatawo isu vanaMuchemera zvirimugapu.

Nyanduri ari kuburitsa kupera kwechikamu chevanyori vakare achishandisa tsumo yekuti chinokura chinokotama. Chandinakidza mutauro wake paanotaura nezvedariro sechinhu chinopakatwa sepfuti.

Ari kuziva kuti iye nevamwe vadiki vane shungu dzekunzwikwa sevanyori, saka azvipa zita rekuti, “Vana Muchemerazvirimugapu.” Mutemo wekunyora chiShona unoti kana uchinyora zita, haripatsanurwe. Semuenzaniso mazita akareba seaya, haanyorwe achidimurwa-dimurwa. Mushambarichakwata kwete Mushamba richakwata

Sadzandiuraye kwete Sadza ndiuraye, Muneinazvo kwete Munei nazvo.

Nyanduri Clement anofarira kutamba nemazwi anoburitsa mabvumira nemutinhimira. Izvi azviita nenzira inonyatsoratidza kugona kwake kushandisa mutauro nenzira inonwisa mvura. Ndafarira paati:

Nzeve dzavo dzakavava dzikashaya mukwenyi vachingorirava chete

Apa chakakosha kucherechedza mashandisiro aaita vara /v/ mumutsara mumwe chete. Izvi zvinobuda zvakare paati:

Kunze kwakachinja kunyangwe kwaitonhora kwakabva kwapisa.

Mumutsara uyu anga ave kutamba nevara /k/ kuti riburitse kukanga kwekunze kwachinja kukatanga kupisa.

Mushure mekunge ataura nezvaakaita nedariro, anobva ataura mumwe wevanyori vari kusimukira mune zvenhetembo, Manyengavana. Clement aita izvi achishandisa mutauro wakapfuma paanoti:

Asika mukombe wepandari haupedzwi nemumwe chete.

VaManyengavana vakatipawo Bhazi Renhetembo.

Vana Nyaudzosingwi nanaTsumo vakauya vakadongorera nepamafafitera aro.

Asi Clement uchenjerere tumhosho tudiki twakaita sekuti: “Vatereri vakatapirirwa naro.” Wanga uchifanirwa kuti, “Vateereri.” Pamwe pacho, “mbira nehondo ndinogona kuridza.” Hadzisi “mbira nehosho here?”

Nhetembo iyi yapetwa nehunyanzvi. Nyanduri ave kutaura zvino basa nekukosha kwenhetembo paari kuti, “Izvi zvose zvichiitirwa kudzosa chivanhu chedu mugwara.” Shungu dzake dzakasangana nemanyemwe. Anoratidza kuti anodawo kuziva zvakawanda zvemitambo yepasichigare. Asi paari kuti:

Kushaura ndakadzidziswa zuro

Tererai ndotanga zvino!!!

Ipapa ndipo paashereketa nekuratidza hushasha nekuti pacho paari kuti “teererai ndotanga zvino,” ndipo paabva apedzera nhetembo yake. Saka muchasara muchiti ngaatange, asi musingaone kuti pese paanga achitaura nezvana Hamutyinei nezvimwe, anga atotanga kare.

. [email protected]

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×