‘Mhiko dzinoita kuti vana vadade neZim’

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti zvidzidzo zveNational School Pledge, chinova chirongwa chekuti vadzidzi vanoita mhiko dzakananga kuvafundisa kuti vazive zvakakoshera kudada nekuva zvizvarwa zveZimbabwe, zvichatanga panovhurwa zvikoro musi wa3 Chivabvu.

Mutevedzeri wegurukota rebazi iri, Professor Paul Mavima, vanoti mhiko idzi dzichaitwa kubva padanho rekireshi kusvika Form 6.

Vaitaura mudare reSenate svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weManicaland Senator David Antony Chimhini.

Sen Chimhini vaida kuziva zvakakoshera chirongwa ichi uye kana pakaitwa ongororo yakadzama chisati chakumikidzwa.

Prof Mavima vanoti mhiko idzi dzachaitwa zvichisiyana nemagwaro sekuti dzevadzidzi vekireshi (ECD (A) neECD (B)), Grade 1 ne2.

“Imhiko dzakareruka zvikuru dzinoti ‘Mwari Baba vemasimba ose avo upenyu hwedu huri mumawoko avo.’ Dzinoenderera mberi nekuti, ‘Ndinopa ruremekedzo kumureza wenyika uye ndinozvipira kushanda zvine hunhu, ndakatendeka pamwe nesimba,’” vanodaro.

Vanoti mashoko anotaurwa pakuita mhiko idzi anobva mubumbiro remutemo wenyika.

“Pane mhiko dzinoitwa neavo vari Grade 3 kusvika Form 6. Mhiko idzi dzinotanga nemashoko mamwe chete ekuti ‘Mwari Baba vemasimba ose avo hupenyu hwedu huri mumawoko avo.’

“Pamusoro pezvo, pane mashoko ekupa ruremekedzo kune vakarwa hondo yeChimurenga yekusunungura nyika pamwe nekutenda nekuda upfumi hunowanikwa muzviwanikwa zvenyika, tsika nemagariro.

“Mamwe emashoko aya ndeekuti, ‘Ndinopa ruremekedzo kumureza wenyika uye ndinozvipira kushanda zvine hunhu, ndakatendeka pamwe nesimba’” vanodaro Prof Mavima.

Vanotizve chirongwa ichi chinoita kuti vadzidzi vadade nenyika yavo nekunzwisisa upfumi hunowanikwa mairi.

“Kana vachiita mhiko yekuti vachave vakatendeka vachishanda nesimba zvinoreva kuti vanenge vachitsidza kuti havazoita zvehuwori asi kuti vachadya zvinobva padikita ravo,” vanodaro Prof Mavima.

“Chinangwa ndechekuti vadzidzi vazvipire kushandira nyika yavo uye nekuti vazive kuti vanokwanisa kuumba ramangwana ravo rakajeka kuburikidza nekushanda nesimba. Ndipo pari kubva mhiko idzi.”

Vanotizve chirongwa ichi chakauya mushure meongororo yakaitwa nebazi ravo muzvikoro zvose zviri munyika pasi pechirongwa chekuvandudza dzidzo.

Vanhu vanosvika miriyoni, vanodaro Prof Mavima, vakapa mafungiro avo panguva yaiitwa ongororo iyi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×