Diamond fm yapisa kuMakomoyo

Leander Kandiyero (kuruboshwe) aina Mercy Ngwebvu mustudio yeDiamond FM. — Mufananidzo: Shelton Muchena
Leander Kandiyero (kuruboshwe) aina Mercy Ngwebvu mustudio yeDiamond FM. — Mufananidzo: Shelton Muchena

NHEPFENYURO itsva yekambani huru pakuburitsa nhau, yeZimpapers – yeDiamond FM – iyo inotepfenyura iri kwaMutare, yadzika midzi mukugutsa veveruzhinji “kuMakomoyo”.

Diamond FM yakatanga kutepfenyura musi wa4 Mbudzi 2015 uye inotepfenyura maMutare nenzvimbo dzakakomberedza guta iri. Inobatika pa103.8.

Mukuru wenhepfenyuro iyi, Leander Kandiyero (37), uyo anova station manager, anoti vane mastudio maviri anotepfenyura zvirongwa zvakasiyana, uye ane michina yechizvino-zvino.

“Tine vashamarari nyanzvi vakadzidzira basa vanokwana gumi nevatatu, vanhukadzi vashanu nevarume vasere, vose vachibva muno maMutare. Vaviri bedzi ndivo vanobva kuMozambique sezvo tiine zvizvarwa zvekuMozambique zvinogara muno maMutare.

“Tine chirongwa cheverudzi rwechiIndia zvakare chinoitwa naMercy Ngwebvu chinonzi Eastern Magic achibatsirana naRajar,” anodaro Kandiyero.

Vamwe vevashamarari ava ndevanoti Michell Bwititi uyo anoverenga nhau nekuita zvimwe, Jabulani Mangezi, Barbra Vengedza, Prudence Gwitira, Tinashe Zilole, Dillon Sisimayi, Christopher Siduna, Nathaniel Mlambo, Washington Kamujekete naHardlife Ziweni.

Zvirongwa zvizhinji zvepaDiamond FM zvinoitwa nemitauro yakasiyana inoshandiswa mudunhu reManicaland seNdau neHwesa.

Kandiyero anoti nhepfenyuro yavo yave kufarirwa zvikuru maMutare kuburikidza nezvirongwa zvinodzidzisa veruzhinji.

“Tinodyidzana zvikuru nemapepanhau ari pasi pekambani yedu yeZimpapers uyewo nenhepfenyuro yedu yeStar FM. Tinotorawo nyaya kubva mupepanhau rembiri, reKwayedza, saizvozvi takatora nyaya yemukadzi wekudyisa murume madororo ehangaiwa semupfuhwira nezvimwe takaisa nyaya yacho muchiRungu,” anodaro Kandiyero.

Anoti zvirongwa zvavo zvinobata mazera nemarudzi ose anowanikwa mudunhu reManicaland.

Kandiyero anovimbisa vatereri kuti vacharamba vachivandudza zvirongwa zvavo nguva nenguva zvichifambirana nezvinodiwa nevatsigiri vavo.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×