Dombodzvuku yotarisa parefu

CHIKORO cheDombodzvuku Primary School, chiri kwaMurehwa, icho chakahwapura mukombe mukuru mumakwikwi emutambo weJerusarema Mbende kudunhu reMashonaland East chinoti chine chishuwo chekutorazve mukombe mumakwishu enyika yose ayo achaitwa munguva pfupi iri kutevera sezvo chiine tarisiro yekunokwikwidza kunze kwenyika.

Vana vepaDombodzvuku ndivo “vakagarisa zvimwe zvikoro zvose zvekuMash East mudhishi” ndokuenda nemubairo mukuru mumakwikwi achangobva kuitwa kuMarondera. Vana ivava vange vachabvazve mukuhwinha mumwe mubairo wezvemitambo netsika ayo akaitirwa paMurehwa Centre mwedzi wadarika.

Mukuru wechikoro ichi, VaPhidelis Mukubvu, vanoti vanofara zvikuru kuti vakatora mukombe pamakwikwi eMbende Jerusarema kana kuti muchongoyo ayo akaitirwa kuMarondera.

Chikoro ichi chatarisana nekupinda mumakwishu enyika yose uye chikoro chichakunda apa chine mukana wekuzonokwikwidza kunze kwenyika. “Makwikwi atakahwinha aya akanga akaoma nekuti zvimwe zvikoro zvakanga zvakagadzirirawo chaizvo. Asi tisu takazotungamirira. Vana ava vakadadisa chaizvo nekuti tanga tava nemakore anosvika mashanu tichigumira padanho reDistrict. Zvemuchongoyo zvagara zviri muropa mevana vedu asi pari zvino takazokwanisa kukwira kuenda pachidanho chepamusoro uye tiri kutarisira kuenderera mberi tichikunda. “Nguva pfupi iri kutevera tiri kutarisira kusangana nezvikoro zvakahwinha kumapurovinzi ose enyika uye apa ndipo pachazowanikwa chinozoenderera mberi nemakwikwi epasi rose,” vakadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×