Flame Lilly, Whawha, Tsholotsho hodhi mupsl

LIGI reCastle Lager Premiership rakasvika kwamvura yacheka makumbo svondo radarika musi weSvondo apo Dynamos FC yakanyora zita rayo munhoroondo yenhabvu yemunyika ino nekuhwina kwayakaita mukombe weligi kechina kakatevedzana.

Hazvisi zvikwata zvepamusoro chete zvaipemberera pazuva iri sezvo nekune rimwe divi yaive misodzi kuzvikwata zvakaita seBlack Rhinos, Shabanie Mine, Bantu Rovers pamwe neChiredzi izvo zvakaburitswa muligi nekudaro gore rinotevera zvichange zvichitambira kuZifa Division One.

Kubuda kwazvo kuchaona zvikwata zvinoti Flame Lilly FC iyo yaitambira muWorld Navi Northen Division One, Whawha Football Club (Central Region Division One) pamwe neTsholotsho FC (Southern Region Division One) zvichipinda muligi iri mwaka unotevera. Mitambo yemuEastern Region Division One iri kupera svondo rino uye zvikwata zvinoti Buffalo Junior pamwe neMutare City Rovers zvese zvine mukana wekupinda muPSL gore rinotevera.

Zvakadaro, chikwata chichakundwa mumitambo yacho yekupedzisira chicharuza mukana wekutambira muPSL.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×