Dopiro reJazz roitwa

Abel Ndooka —
VAIMBI vemisambo yejazz neclassical music vekunyika dzinosanganisira Germany, Turkey, Brazil, England, South Africa, Iran neZimbabwe vachange vachiridza muno mashoo maviri pamwedzi pasi pechirongwa chinonzi Twelve icho chiri kutanga mwedzi uno (Kurume) kusvikira gore rinouya muna Kukadzi.

Mashoo aya ari kurongwa naEren Levendoglu anove shasha yekuridza piano neviolin.

Levendoglu anozivikanwa pasi rose nekuronga dopiro remafaro reGumusluk International Classical Music Festival iro rinoitirwa kuGumusluk Bodrum, kuTurkey.

“Ndakatangisa chirongwa cheGumusluk Festival nechinangwa chekupa vaimbi vemuTurkey mukana wekushanda nekudzidza kubva kuvaimbi vepasi rese vane mukurumbira. Mumakore ataita mutambo uyu, zvaona dunhu reGumusluk richisimuka zvikuru uye mimwe mitambo tiri kugara tichiironga,” anodaro.

Vadzidzi vemhanzi vari kutarisirwa kufunda zvakawanda kubva kuna Levendoglu sezvo rimwe dingindira rake riri rekudzidzisa mhanzi kune vaimbi vari kusimukira.

“Twelve inoda kusvika kune vanhu vakawanda uye tinovimba kuti kuburikidza nayo ichadzidzisa pamwe nekusimudzira vaimbi vakasiyana,” anodaro Levendoglu.

Vaimbi vacharidza pamashoo eTwelve vanosanganisira Levendoglu, Eduardo Crespo (Brazil), Trio Klavis (Austria), Bulent Evcil (Turkey), Jeanette Micklem (Zimbabwe), Oran Ektrin Trio (USA) naDereck Gripper (South Africa).

Vacharidza kunzvimbo dzinosanganisira St John’s College neChapungu Stone Village uye dzimwe nzvimbo dzacho dzichazoziviswa nekufamba kwenguva.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×