buse yosimudzira zvidzidzo zvekurima

Abel Ndooka —
CHIKORO chepamusoro cheBindura University of Science Education chiri kuBindura chosimbaradza zvidzidzo zvekurima uye gore rino chiri kutarisira goho guru rechibage.

Vachitaura svondo rino neMuvhuro apo masangano nemapoka akasiyana aimema purazi reBUSE kuBindura, Dean of Faculty of Agriculture and Environmental Science – Dr Innocent Nyakudya – vanoti gore rino vari kutarisira goho guru zvichitevera kunaya kwakaita mvura zvakanaka mwaka uno.

“Tiri kuzama kurima zvepamusoro uye chibage chatakarima apa ichi muna Zvita chasvika. Tiri kutarisira goho guru rinogona kusvika matani masere.

“Takabatsirwa nekunaya kwakanaka kwakaita mvura uye isu pachedu taishandisa nzira yekukohwa mvura (water harvesting) iyo yakabatsira zvikuru mukuchengetedza mvura,” vanodaro Dr Nyakudya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×