Dr Amai Mugabe vari kubatsira

MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Dr Amai Grace Mugabe, vari kubatsira zvikuru mugadziriro dzemusangano mukuru we18th International Conference on AIDS and Sexually Transmitted Infections in Africa (ICASA).

Rimwe remabasa makuru avari kuita nderekugadzirisa nzvimbo ichaitirwa musangano mukuru uyu, yeHarare International Conference Centre (HICC).

Mashoko aya akataurwa negurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, pamusangano wavakaita nevapepeti venhau vemapoka akasiyana nomusi weChitatu svondo rino muHarare.

“Tinotenda zvikuru nerutsigiro rwatiri kuwana kubva kumudzimai wemutungamiri wenyika, Dr Grace Mugabe. Ndivo vakatibatsira nekugadzirisa nzvimbo ichaitirwa musangano uyu, kusanganisira zvigaro zvacho nemakapeti izvo zvingangodaidza mari inoita US$380 000.

“Zvigaro izvi zvange zvisisina kumira zvakanaka nokudaro vakatibatsira zvikuru, uye tinovatenda,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Vanoti panhau yemigwagwa, mvura nemagetsi, vakataura nemaboka eHurumende nemakambani anomiririra izvi ayo akavimbisa kuti zvichigadziriswa kuitira kuti musangano uyu ubudirire.

Dr Parirenyatwa vanoti musangano uyu wakazarurwa kuti unge uchipindwa nemunhu wose uye vamwe vakanyanya kukosha kuti vange varipo vanosanganisira vanoita mabasa echipfambi, vatyairi vemagonyeti, vechidiki nevekumajeri.

Musangano weICASA uri kutarisirwa kuitwa kubva musi wa29 Mbudzi kusvika 4 Zvita uye uchapindwa nevose vane chekuita neHIV neAIDS pasi rose.

Gurukota rebazi rinoona nezvekushanyirwa munyika, Engineer Walter Muzembi, vanoti uyu ndiwo mukana mukuru wekuti Zimbabwe ishambadze kunaka kwayo kune vekunze.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×