“Dyarururai zvirimwa zvisina kubuda’

VARIMI vane zvirimwa zvakaramba kumera zvakanaka nekuda kwekusanaya kwemvura zvakaringana uko kwanga kuchiitika munguva yakadarika vakakurudzirwa kuti vadyare dzimwe mbesa dzinokurumidza kuibva.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaPaul Zakariya vanova executive director kusangano rinomirira varimi reZimbabwe Farmers Union.

Dambudziko rekutadza kumera kwezvirimwa muminda mizhinji rakauya apo varimi vakadyara nemvura yekutanga iyo yakazombomira kunaya zvakonzera kuti mbeu dzisamera zvakanaka.

“Varimi vedu vazhinji minda yavo haina kumera zvirimwa zvakanaka, anongova madaranganwa oga-oga zvakonzera kuti vamwe varimire mbesa dzavo pasi vachidyara patsva kana kuti kudyarurura mune zvisina kumera saka isu tiri kuti zvakanaka kuti varimi vadyare mbesa dzemwaka mipfupi nemirefu kuti kana zvazoipa pamberi vakwanise kuwanawo pavanokohwa,” vakadaro.

Mvura yakatanga kunaya masvondo mana kana mashanu akadarika apo yakambomira ndokuzodzoka svondo rakapera.

“Varimi vedu vazhinji vanofarira kurima chibage chinova chakatadza kumera uyewo chakamera chacho chakanga chava kutsva. Ikurudziro yedu kuti varimi ava vasarime mhando imwe chete yezvirimwa asi kuti vasanganisewo nezvimwe zvakaita sebhinzi,” vakadaro VaZakariya.

Mamwe matunhu akashanyirwa neKwayedza kukaonekwa kuine dambudziko guru rezvirimwa zvakaramba kumera uyewo nekunge zvave kutsva anosanganisira Hurungwe Magunje Chinhoyi, kumapurazi ekuRafingora neGuruve.

Mbuya Keresiya Chukira (70) avo vanorima vari kwashe Mudzimu kuHurungwe vanoti mayeka maviri avakadyara chibage haana kumera uye vave kutotsvaga imwe mbeu kuti vadyare zvakare.

“Mwaka uno wakaipa veduwe-e ndave kutotsvaga mari zvakare kuti nditenge imwe mbeu yechibage,” vakadaro.

Vanoti rimwe dambudziko ravainaro sevarimi vefodya zvakare nderekuti vakapihwa mbeu inotora mwaka murefu kuti ikohwowe.

“Kuno tinorima fodya, mbeu yatakawana inotora mwaka murefu saka vakawanda muno vave kutya kurima minda yakakura nekusaziva kuti mwaka uchafamba sei,” vakadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×