Madhamu akazara nemvura: Zinwa

SANGANO reZimbabwe National Water Authority rakazivisa nezvehuwandu hwemvura iri mumadhamu enyika richiti hapasati pave neshanduko huru mudhamu mazhinji sezvo achiri nemvura yakawanda.

Mukushi wemashoko kuZinwa, Mai Marjorie Munyonga, vakati madhamu mazhinji ayo anowanisa nyika mvura yekunwa akadai seChivero neManyame ane chikamu che73 -85 percent chemvura.

Mazvikadei Dam rine chikamu che90 percent apo Mazowe Dam yakadzikira iine 11 percent.

“Mudunhu reMasvingo, dhamu reMutirikwi rine 32 percent, Manjirenji 78 percent apo Muzhwi rine 82 percent uye Bangala 55 percent,” vakadaro.

Vanoti Siya Dam iro rinoendesa mvura kuLowveld panguva yekuomerwa rine chikamu chemvura che84 percent.

Osborne Dam uko kunobva mvura inodiridziswa minda inorimwa nzimbe yekuChisumbanje neMiddle Sabi rine 69 percent uye Rusape Dam rine 92,9 percent.

Khami Dam 96,5 percent, Bubi Lupande Dam 75,6 percent, Mtshabezi Dam 92 percent, Upper Ncema 31 percent, Lower Ncema 70,4 percent neManyuchi Dam 81,8 percent.

Rufaro Dam rine chikamu chemvura che95 percent, Nyambuya Dam 88 percent kuchizoti Wenimbi Dam rine 81,7 percent.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×