‘Dzidzo ikodzero yemwana’

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, vanoti zvakakosha kuti vana vose vawaniswe kodzero yekudzidza vakasununguka kuitira kuti vave neremangwana rakajeka.

Vakataura izvi mumashoko avo ekucherechedza zuva guru revana, reWorld Children’s Day, iro rinopembererwa musi wa20 Mbudzi gore roga-roga pasi rose.

First Lady Amai Mnangagwa vanoti remangwana revana rinofanirwa kurongerwa.

“Chitsidzo chedu pari zvino ndechekuona kuti pasi rose mwana woga-woga ari kudzidza pasina matambudziko ekumbunyikidzwa. Hazvinei kuti mwana akazvarirwa kupi, asi vana vose vane shungu dzekuva neremangwana rakajeka.

“Mwana woga-woga ane kodzero yekuwana dzidzo yemhando yepamusoro nekurarama. Tinoda kurwisa zvose zvinoderedza budiriro yevana senzara, urombo uye kukurumidza kupinda muwawano,” vanodaro.

Vanoti kuburikidza nesangano ravo reAngel of Hope Foundation, vacharamba vachirwira nyaya dzebudiriro munharaunda kuti vana vange vachibudirira mukurarama kwavo, zvikuru avo vanobva kumhuri dzinotambura.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *