MUMWEDZI uno waGumiguru gore negore, nyika dzose pasi rose dzinoita zvirongwa zvakanangana nechirwere chenhuta (cancer), chinangwa chiri chekuzivisa voruzhinji nezvedenda ranetsa iri uye kurirwisa.
Nguva iyi yakakosha zvikuru sezvo ndipo patinonyeverwa semhuri uye senyika kuti chirwere ichi chiri kuramba chichikonzera kurasikirwa neupenyu hwevanhu vakawanda asi chinogona kudzivirirwa nekurapwa kana chabatwa nenguva.
Shoko guru mwedzi uno nderokuti nhuta hairevi kuguma kweupenyu; chinodiwa kutora matanho akakodzera pachine nguva. Kuita izvi kunobatsira kuchengetedza utano hwedu.
Nokuda kwekukosha kwacho, chirongwa ichi hachifaniri kuitwa mumwedzi mumwe chete bedzi, waGumiguru.
Chinofanira kuva chezuva nezuva gore rose, kubva muna Ndira kusvika muna Zvita.
Nhuta haimiriri kuti Gumiguru asvike kuti itange kubata vanhu; inobata chero nguva, mazuva ose egore.
Tikafunga nezvechirwere ichi mumwedzi mumwe chete uyu bedzi, tinorasikirwa neupenyu hwakawanda mumwedzi imwe gumi nemumwe inosara.
Kudzidziswa kwevanhu, kuparadzirwa kwemashoko, nekuongororwa kwemiviri maringe nechirwere ichi kunofanira kuve tsika yedu yemazuva ose kuitira kuti chirwere ichi chigare kure nesu.
Chinhu chakanyanya kukosha mukurwisa nhuta kugara tichienda kunoongororwa navanachiremba.
Nhuta chirwere chinonyengera zvikuru; chinogona kutanga mumuviri pasina zviratidzo zvinooneka. Unogona kusaona mapundu kana kunzwa marwadzo, zvinova zvinokusimbisa, uchifunga kuti hauna chirwere ichi.
Munhu akamirira kunzwa kurwadziwa zvakanyanya, kazhinji nhuta inenge yakura uye yapararira nemuviri wose, izvo zvinoita kuti kurapwa kwayo kuome, kunetse uye kudhure.
Kuenda kunoongororwa nhuta dzakaita sedzemazamu, dzechibereko nedzeura nguva nenguva kunobatsira kuti vanachiremba vaibate ichiri padanho rokutangatanga, zvokuti panengee paine mukana mukuru kwazvo wekurapwa zvizere nekupona.
Zvisinei, dambudziko guru riri kuramba richionekwa munharaunda dzedu nderekusaenda kunovhenekwa navanachiremba kunoitwa nevanhu, kunyanya varume.
Mumararamiro edu echivanhu, varume vazhinji vanorerwa paine pfungwa yokuti “murume haarwadzwi uye haachemi”.
Kuzvishingisa kwenhema uku kunoita kuti varume vazhinji varambe vakaviga marwadzo kana shanduko inoitika kumiviri yavo, vachitya kuonekwa sembwende kana kuti vachitya kunzwa chokwadi chakaoma cheutano hwavo.
Nhuta yeprostate idenda guru riri kupedza varume vakawanda mazuva ano, asi vazhinji vanotya kuongororwa nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana, kusanganisira pfungwa yekuzvishingisa, kunyara uye kutya mashoko anozonyuka mumhuri, kana kufungira zvisizvo pamusoro penzira dzekuongorora nadzo dzinoshandiswa nevarapi.
Kuzvisimbisa mune zveutano hakusi kushinga, asi kuzvigokera moto muziso; unenge uchizvikwevera rufu.
Varume vanofanira kushanduka zvachose pamafungiro akadai. Kuenda kwachiremba hachisi chiratidzo chekusashinga, asi kuti chiratidzo chehungwaru, rudo, nekuda mhuri yako.
Ngatishandisei mukana uno kurasa pfungwa dzekunyara nekutya.
Nhuta inobata munhu wose, zvisinei nokuti uri mukuru kana mudiki.
Madzimai nevarume uye vechidiki ngavabude mudzimba, vaende kunoongororwa utano hwavo nguva dzose, gore rose.
Utano hwako ndihwo pfuma yako huru, uye upenyu hwakakosha kudarika kuzvishingisa kwenhema, kusingagadzirisi dambudziko rechirwere ichi.