MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) emuHarare akazivisa nezvekusunga kwaakaita murume wemakore 40 okuberekwa wekuKambuzuma, uyo ari kupomerwa kuba motokari.
Nyakusungwa uyu anonzi Clayton Kativhu (40), uye anogara kuKambuzuma. Zvinonzi aishanda nevamwe vake mubasa reukororo iri. Mutauriri wematikitivha eCriminal Investigations Departments (CID), Detective Inspector Rachel Muteweri, vanoti murume uyu aishanda pamwe chete naInnocent Chikaikai, uyo asati abatwa.
Chikaikai anozivikanwa zvakare nezita rokuti Sento.
“Varume ava vaienda kumakambani anohayisa motokari, voita sevanoda motokari dzekushandisa kwenguva pfupi, vachishandisa zvitupa zvemanyepo. Zvadaro, Kativhu aizotora motokari idzi odzipa vamwe vake, votengesa,” vanodaro Det Insp Muteweri. Vanoti nomusi wa17 Gunyana gore rino ra2026, Kativhu akahaya motokari yeruvara rutema yerudzi rweToyota Vitz mushure mekuburitsa chitupa chemanyepo chine mufananidzo wake nechitambi chekutyaira chine zita rakanzi Bryan Kurai Mudeza.
“Murume uyu akaenda nemotokari iyi, ndokutadza kuidzosa nenguva yakatarwa, izvo zvakazoita kuti vekwaakaihaya vamhan’are kumapurisa,” vanodaro.
Vanoti mapurisa akatanga kufeya nyaya iyi, zvikaonekwa kuti motokari iyi yakanga yatengeswa kune mumwewo munhu pachishandiswa bhuku remotokari rechitsotsi.
Vanoti nomusi wa23 Gunyana gore rino, murume uyu akanohaya motokari yerudzi rweHonda Vezel, ndokuwirirana kuti aizoishandisa kwemazuva mana, asi akapedzisira aitengesa achishandisa chitupa chechitsotsi. Yakazowanikwa yatengeswa kune munhu anoita basa rekutengesa dzimotokari.
“Achifambira mberi nekuba, murume uyu, nomusi wa26 Gunyana gore rino ra2026, akahaya zvakare motokari yerudzi rweMazda CX-8, ndokubva azivisa mumwewo munhu kuti aiitengesa. Munhu uyu akati aida kuti itange yaongororwa neCID Vehicle Theft Squad muHarare,” vanodaro Det Insp Muteweri.
Vanoti pakuongororwa kwemotokari iyi, Kativhu akaburitsa chitupa chenhema, izvo zvakaita kuti matikitivha anyumwe, achibva amusunga. Nyaya yacho yakanzwikwa mudare redzimhosva kekutanga.
“Mapurisa ari kukumbira voruzhinji vangange vachiziva murume anonzi Innocent Chikaikai, uyo anozivikanwa zvakare saSento, kuti vaazivise panhamba yenhare inoti 0242703631 yePGHQ (Police General Headquarters),” vanodaro Det Insp Muteweri.
Vanoenderera mberi vachiti: “Zvakadai, matikitivha eCID Vehicle Theft Squad emuHarare akasunga Tinotenda Mafureki (20), Nesbert Nyakudya (18) naEvans Proud Mutasa (18) nemhosva yekuba motokari yerudzi rweIsuzu KB300 kuWaterfalls, muHarare, nomusi wa11 Gumiguru gore rino ra2026.”
Varume ava vanonzi vakapwanya kiyi yepagaraji, panzvimbo yemabhizimusi, ndokupinda mukati, vachibva vaba motokari iyi.
“Pakufeewa kwenyaya iyi, motokari iyi yakazowanikwa kuHighfield, muHarare, izvo zvakazoita kuti varume ava vasungwe. Varume ava vakapinda mudare redzimhosva kekutanga,” vanodaro Det Insp Muteweri.
Mapurisa akayambira voruzhinji kuti vatange vaongorora motokari dzavari kuda kutenga, vachishandisa mapurisa anoona nezvekutengeswa kwedzimotokari.