Dzosai zvamakaba: President

Tandayi Motsi —
PRESIDENT Emmerson Mnangagwa vapa mwedzi mitatu yekuti vanhu nemakambani vakaendesa mari nemidziyo kunze kwenyika nenzira dzechitsotsi vazvidzose muZimbabwe. Mwedzi mitatu iyi inobvira musi waZvita 1 kusvika Kukadzi 28 2018.

Panguva iyi, Hurumende hapana mibvunzo yaichabvunza kana matanho ainotora kune vakaburitsa mari kunze kwenyika nechitsotsi ava.

Asi vachatadza kuita izvi munguva yakatarwa iyi vachazosungwa votongwa nemutemo.

Muchinyorwa chavakaburitsa, President Mnangagwa vanoti zvange zvichitika muchirongwa cheOperation Restore Legacy zvabatsira mukuburitsa umboo hwemari yakawanda nemimwe midziyo zvakaendeswa kunze kwenyika nevamwe vanhu nemakambani zvisiri pemutemo.

“Kuita kwakadai imhosva huru munyaya dzeupfumi dzinenge dzichiparirwa vanhu vemuZimbabwe, izvo Hurumende isingakurudzire,” vanodaro President Mnangagwa.

“Sedanho rekutanga rekudzosa mari nemidziyo zvakaburitswa munyika zvisiri pamutemo, Hurumende yeZimbabwe iri kutara nguva yekuti vose vane chitsotsi chavakaita vadzose mari nemidziyo iyi. Hapana mibvunzo ichabvunzwa kana matanho avanotorerwa.

“Nguva yakatarwa iyi inotanga musi waZvita 1, 2017 kusvika pakupera kwaKukadzi 2018.

“Avo vane zvavakaita uye vanoda kutevedzera zviri kudiwa izvi, vanofanirwa kutaura nebhengi reRBZ,” vanodaro President.

Vanoti pachapera nguva yatarwa iyi, vanenge vasina kutevedzera zviri kudiwa vachasungwa voendeswa kumatare edzimhosva.

“Apo pachapera nguva yatatara iyi, Hurumemde ichaenderera mberi nekusunga vose vanenge vasina kutevedzera zviri kudiwa uye nekuona kuti vatongwa.”

Ongororo yakaitwa neRBZ inoratidza kuti mari inosvika $3 bhiriyoni yakaendeswa kunze kweZimbabwe zvisiri pamutemo pakati pegore ra2015 na2017 uye yakaendeswa kunyika dzinosanganisira dziri kuFar East nekuBotswana.

Mutemo weBank Use and Promotion Act hautendere kuendeswa kwemari kunze kwenyika zvisiri pamutemo.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×