Eaglesvale yosimudzirwa

CHIKORO cheEaglesvale High icho chiri muHarare, chiri kuvandudzwa zvichitevera kuvakwa kwakaitwa mamwe makamuri ekudzidzira uye chiri kutora mamwe matanho akananga kusimudzira dzidzo.
Vachitaura pamusangano wakaitwa pachikoro ichi nguva yadarika, Dr Enos Chomutiri, avo vanova sachigaro webhodhi reEagalesvale, vakati havasi kudzokera shure mukusimudzira chikoro chavo. “Iye zvino takakwanisa kuvaka dzimwe dzimba dzekudzidzira mabhuroko matatu, kugadzirisa nhandare yebhora zvakare takatenga makombiyuta anosvika 42,” vakadaro Dr Chomutiri.

“Takaona zvakakosha kuti chikoro chirambe chiri chepamusoro uye tiri kukurudzira kuti vana vechikoro vashande nesimba mukuverenga mabhuku pamwe nezvemitambo, tsika nemagariro.”

Pachikoro ichi, vakadaro Dr Chomutiri, vana vanodzidziswa kuva nehunhu hwakanaka. “Chikoro chedu zvakare tiri kubatana nenyika yose mukutsigira kuvandudza ruzivo kuvana vezvichikoro zvakasiya-siyana pamusoro pechirwere chegomarara.

“Chimwe chatakakwanisa kuita kubhadhara vashandi vedu mari yavo kubva muna 2009 apo vakange vasingabhadharwe. Iye zvino vave kushanda nenguva uye nechido zvinova zviri kuita kuti chikoro chedu chibudirire,” vakadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×