CHITSAUKO 18 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Manheru acho mudzimai wake anomuunzira kudya asi anoramba achiti ainge asinganzwi nzara. Paanoona kuti masikati acho murume ainge asina kudya, anomuvhundutsira achiti akaramba kudya aizodura zvainge zvichiitika pakati pake nehama dzake kuvana. Izvi zvinoita kuti George ashamisike kuti mudzimai wake ainge aziva sei kuti iye ainge asingadi kuti vana vazive zvainge zvichiitika.
Murume anozoonekwa ava kungoti nyobvo nyobvo kuzvimanikidza kudya izvo zvinoita kuti mudzimai wake amunzwire tsitsi apo anoona tumisodzi tuchitsinina mumaziso ake zvokuti paanoti apedza kudya haamumanikidzi.
ONGORORO:
Chokwadi nyaya yekugara mudzimba dzevamwe vanhu inoti kusetsa ikati kusuwisa. Munhu ungadzingwa nasaimba wepaunoroja nepamusaka pekuti haunwi hwahwa? Zvinoonekwa kuti chekuita panenge pasina asi kungotevedza zvinenge zvarehwa nemuridzi wemba kana kubvapo asi handipo panopera dambudziko iri.
Tarisiro yezvakanaka inoonekwa kuti munhu anogona kupindawo mugundamusaira rekunyoresawo imba asi dambudziko rinozouya pakuti imba yacho ndeyekuzvivakisira zvino mari yacho inobva kupi?
Rimwe dambudziko rinomuka nepamusana pezvichangobva mukutaurwa nezvazvo nderekuti mudzimai nemurume wake vanotadza kugara vose voti uyu kumusha, uyu kumahositeri uko anenge achigara nevamwe varume.
Kuonesesa kwaHazvinei kuchakoromora zvakawanda. Mwana mudiki akadai agona kuona shangu dzababamukuru Makate dzinonyora zvishoma. Tinoona marukirwo anoitwa rongetedzo kuenda kwakaita amai vaTichaona kumabiko kwakaita kuti vasangane nemuroora wavo uyo akavapa kapasuru keshangu dzainge dzatengwa nehanzvadzi yaamai vaHazvinei.
Amai vake vanokurumidza kuzviona kuti zvaitwa nemwana izvi zvichafukunura zvakazvigarira ndokusaka vachimukakata vachiti aende kunodaidzira Sheila kuti auye kuzotora madomasi nehanyanisi. Izvi zvinodyara kuti Goerge ave nefungidziro yekuti mukoma wake ndiye akakonzera kuparadzwa kwezvinhu mubindu rake. Zvinoita kuti muverengi atange kuva nemibvunzo yakawanda uyewo havi yake yekuda kuverenga inobva yatekenyedzwa zvekuti anobva ada kuramba achiverenga bhuku iri dzamara asvika kumagumo aro.
Tsumo dzinoita kuti zvinenge zvichiverengwa zvive neudzamu. Mwana mudiki asina nemhosva zvake ndiye anonokoromora nyaya hombe yakaipa saka amai vaHazvinei vachizoti vava kufungisisa nezvichangobva mukuitika, “. . . vakuru vachiti manga chena inoparira parere nhema” (67). Anobva azviona kuti mwana uyu “andidenhera refu” (67).
Upenyu hwekuroja uhu hunoita kuti VaChaparadza vadembe kugara zvakanaka uko vainge vakaita pamba paGeorge muHarare. Kuzvirangarira kwaive kungozvifadza mupfungwa chete nekuti hapana zvazvaibura. Saka vachiti, “. . . matakadya kare haanyaradze mwana” (69).
Kana munhu mukuru anenge akabata bata musha achinge afa kana kuti aparara, vana vake vanosara dzava mombe dzemashanga nekutambudzika kana kungotetereka nenyika. Vachiri kugara pamba paGeorge mhuri yainge iine musimboti asi kubvira kuparara kwemusha uyu mhuri yaVaChaparadza yangove te te te. Ndokusaka vachizodoma tsumo vachiti, “zvakataurwa nevakuru vachiti kufa kwehanga mazai anoparara” (69).
Enzaniso tinodzionawo dzichishandiswa. Tinobva tanyatsa kuona kuti pane zviri kunetsa. Makate apo anosvika pamba paGeorge nekuti zvinonzi airatidza kuneta “somunhu akange ashaya madhonza ekurimisa” (66).
Enderero mberi svondo rinouya.




