Ecobank yodyara miti muzvikoro

BHANGA reEcobank — rakabatana nemapoka anochengetedza masango anosanganisira reEnvironmental Management Agency (EMA), Forestry Comission neZimbabwe National Water Authority (Zinwa) — svondo rapera rakadyara miti inokosha $20 000 pachikoro cheUmzururu Primary School chiri kwaZvimba sechikamu chekupemberera zuva reWorld Environment Day.

Bhanga iri riri kutarisira kudyara mimwe miti 25 000 kumativi mana enyika, zvikuru muzvikoro senzira yekuchengetedza nharaunda nekuti veruzhinji vawane michero.

Vachitaura pachiitiko ichi, chamangwiza weEcobank, VaAde Ayeyemi, vanoti bhanga ravo inhengo yePan African Bank uye vane shungu dzekudzorera kunharaunda idzo vanodyidzana nadzo.

VaMoses Kurenjekwa, vanova managing director weEcobank Zimbabwe, vanoti bhanga ravo rine hanya nekusimudzira raramo yevanhu.

“Miti inhaka yeupenyu, pachikoro chino tadyara hekita imwe chete yemapuranga neimwe hekita yemiti yemichero. Mushure memakore matatu tichadzoka tichidya michero uye zvichabatsira chikoro chino nekudya.

“Ndaona mune chirongwa chekuwaniswa kwevana chikafu sesadza asi hapana michero yekuzodya. Saka miti iyi imhinduro kudambudziko renyu nekuti michero inobatsira mukusimudzira utano. Muchakwanisa zvakare kuwana mari apo munotengesa michero iyi uye miti yemapuranga kuvarimi vefodya,” vanodaro.

Bhengi iri rakabatsira zvakare chikoro ichi nemapaipi ekudiridzisa emhando yepamusoro uye vana nevabereki vakawana mukana wekusima miti iyi.

                                                                                                 VaLewis Radzire

VaLewis Radzire, vanova provincial forestry extension manager kuForestry Commission, vanoti miti mizhinji iri kutemwa zvisina tsarukano nevarimi vefodya asi pasina kuzodyara mimwe izvo zviri kukonzera matambudziko ekusanduka kwemamiriro ekunze.

Ecobank iri kuita chirongwa chekudyara miti pasi pedingindira rinoti, “Miti nhasi, Sango Mangwana” apo iri kusima miti munyika 33 dzainoshanda iri.

Pasi rose, miti 3,5 bhiriyoni kusvika 7 bhiriyoni inonzi iri kutemwa gore negore.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *