Batsirai vana veSt Faith’s High

Sifelani Tsiko—

CHIKWATA chevana vanodzidza paSt Faith’s High School, kwaRusape, chiri kutsvaga rubatsiro kubva kune vemabhizinesi nevanhu vakazvimirira kuti chikwanise kuenda kumakwikwi epasi rose, eWorld Series Quiz Competition, ayo achaitwa kuSouth Africa munguva iri kutevera.

Gore rapera, St Faith’s yakapinda mumakwikwi ezvikoro 32 zvenyika dziri mudunhu reSadc ndokutora nhamba yechishanu. Makwikwi aya akaitirwa kuMidrand, kuSouth Africa zvakare. “Chikwata chedu cheSt Faith’s High School chakabudirira kupinda mumakwikwi eWorld Series nekudaro tiri kutsvaga rubatsiro kubva kuvanhu vakazvimirira zvose nemakambani,” vanodaro VaMatthews Chimba, avo vanova murairidzi wechikwata chekwizi pachikoro ichi.

“Tinoda mari inosvika $2 990 inosanganisira yekufambisa, yepekugara, yezvipfeko neyekudya. Tinoda kuti chikwata chedu chinokwikwidze mumakwikwi eWorld Series Schools Competitions achaitwa kuMidrand, kuSouth Africa, kubva musi waZvita 4 kusvika Zvita 13 gore rino.”

St Faith’s ndiyo yakakunda zvimwe zvikoro zvose zvemuZimbabwe mumakwikwi eZimbabwe National High School Quiz Competitions akaitirwa pachikoro chePrince Edward High School munaMbudzi wegore rapera.

Vanoda kubatsira chikwata chevana ichi vanokwanisa kuisa mari muakaundi yechikoro inoti, St Faith’s High School, CBZ Rusape Branch, Account Number 10223842060011 uye vachinyatsonyora kuti Quiz Donation.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *