EcoCash yobatana necabs

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI yeEconet yovandudza zvirongwa zvayo zvekufambiswa kwemari kuburikidza neEcoCash nekushanda pamwe chete nebhanga reCentral Africa Building Society (CABS) rinova rimwe remabhanga makuru muZimbabwe.

Chinangwa chemushandirapamwe uyu ndechekuona kuti zvido zvemakasitoma zvazadzikiswa.

Kuburikidza nemubatanidzwa uyu, vanoshandisa bhanga iri vachange vachikwanisa kutenga midziyo yavo muzvitoro zvakasiyana vachishandisa EcoCash.

Makasitoma ane mikana yekufambisa mari yavo neEcoCash kuburikidza nekuiendesa kubhanga iri kana kuitora zviri nyore pane ipi zvayo nguva.

Chamangwiza veEconet, VaDouglas Mboweni, vakapembedza kubatana kweEcoCash neCABS vachiti zvichaita kuti makasitoma avo arerukirwe panyaya dzekufambiswa kwemari.

“Kambani yedu icharamba ichivandudza ukama hwayo nemasangano pamwe nemakambani emuno neekunze anoita nezvemari. Shungu dzedu ndedzekugutsa makasitoma munyika muno nekune dzimwe nyika,” vanodaro.

Natalie Jabangwe, anova general manager weEcoCash anoti, “Chinangwa chedu ndechekusimudzira kushandiswa kwemari mukubhadhara zvinhu nenzira yeruzivo rwechizvino-zvino tichishanda nemabhanga. EcoCash iri kufambirana nenguva, zvikuru sei takatarisa nyaya dzekunetsa kwemari idzo dzakatarisana nenyika. Saka tiripo pakuva mhinduro nekuti zvinobatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika.”

Mashoko ake anotsinhirwa naVaSimon Hammond vanove managing director weCABS vachiti, “Tinofara zvikuru kuti tinge tichibatana neEcoCash nekuti yakakoshera indasitiri yedu pamwe nekusimudzira misika. Makasitoma edu ari kufadzwa zvikuru neshanduko iyi.”

Vanoti kubatana kweCABS neEcoCash kwauya panguva yakanaka apo veruzhinji vakatarisana nedambudziko rekushomeka kwemari munyika.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *