Barcelona yoda Bellerin zvakare

BARCELONA ine chishuwo chikuru chekutenga Hector Bellerin mwaka unotevera uye ichashandisa nyonga-nyonga iri kuArsenal kuti imudzore kuNou Camp.

Mundo Deportivo inoti chikwata chekuCatalan ichi chiri kugadzirira kutenga mutambi uyu izvo zvichamuona achidzoka kwaakakurira.

Kozotiwo Diario Sport inoti kana Barcelona ikatadza kutenga Bellerin, inogona kuendera Cear Azpilicueta weChelsea kana Benjamin Henrichs weBayer Leverkusen.

Zvinozivikanwa kuti Bellerin ndiye ari kunyanya kudiwa kuNou Camp uko kuchashandurwa zvinhu zvakawanda sezvo Luis Enrique achabva kuchikwata ichi achisiya basa rekurairidza.

Mwaka uno, Sergi Roberto naJavier Mascherano ndivo vange vachichinjana kutamba kuright-back, asi Barcelona inoda mutambi wepachinzvimbo ichi zvachose uyo achazotamba mwaka unotevera zvichienda mberi.

Arsenal zvinhu zvange zvakaiomera uye zvave kurakidza sekuti mwaka unotevera chikwata ichi chichange chisingatambe mumakwikwi eChampions League.

Chikwata chekuLondon ichi chinonzi chiri mukati menyonga-nyonga sekunyora kwesangano renhau reSPORT, zvinoreva kuti Bellerin anogona kusarudza kubvako mumwaka unotevera. – SportMail Football.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×