Eczema: Chirwere chinobata ganda

Muchaneta Chimuka
CHIRWERE cheganda chinodaidzwa kuti Eczema chine zviratidzo zvakaita sekurwadziwa muganda, kuvaviwa, kupiswa nekutsvukuruka kana kuita mapundu nemaronda anosiyana mavara kana achinge apora. Zita rekuti Eczema rinobva paizwi rechiGreek rinoreva “kufashaira hweganda” kunofananidzwa nekuvira kunoita mvura iri pamoto.Eczema iri kutambudza chikamu che9 kusvika pa30% chevanhu kuUnited States.

Vanhu vanogara munyika dzinopisa vane mikana mikuru yekubatwa nechirwere ichi. Eczema inobata vanhukadzi nevanhurume zvakangoenzanirana. Chirwere ichi chinokanganisa mashandiro eganda, kudya kunowanikwa muganda zvichikonzera kunyuka kwemabhakitiriya anoita kuti ganda rivave.  Kushungurudzika mupfungwa ndezvimwe zvezvinhu zvinokonzera kukanganisika kweganda remunhu.

Zvimwe zvekudya zvakaita senzungu, mukaka nezvimwe zvinokonzerawo Eczema. Nharaunda inogara vanhu yakadai sekupfumvura kunoita miti, maruva kana hutsi zvinogona kukonzerawo chirwere ichi. Chirwere ichi chinogona kudyidzana zvakare nezvimwe zvakaita se”Asthma” kana kuti “hay fever”.

Vana vanoenda kumakireshi vane mikana mikuru yekutapurirana chirwere ichi apo vanoswera vakaungana panzvimbo imwe chete. Kurapwa kweganda rinenge rakanganiswa nechirwere ichi kwakakosha senzira yekuderedza kutekeshera kwacho nemuviri wose.

Ongororo yechirwere ichi haiitwe kamwe chete, inofanira kuramba ichiitwa kuti paonekwe kuti chiri kukonzerwa nei. Kune zviratidzo zvechirwere ichi zvinopera kuburikidza nekurapwa asi dzimwe nguva ganda rinoramba richikanganisika kweupenyu hwose.

Zviratidzo zveEczema zvinosanganisira kupera kweganda rekunze munhu achisara aine remukati (inner skin layer). Ganda rinotsvukuruka richirwadza zvikuru munguva yekupisa richiita kunge riri kubikwa.

Kune mhando dzakasiyana dzechirwere cheEczema dzinosanganisira inonzi muchiRungu “allergic contact Eczema dermatitis” iyo inokonzerwa nekuda kwekuti muviri unenge usina kupindirana nezvimwe zvinhu zvinosanganisira kudya, mishonga kana zvipfeko.

Dyshidriotic eczema – kunova kukanganiswa kweganda remumawoko kana tsoka munhu achiita kunge ane madzvausiku kana kuita seakatsva nemoto. Neurodermatitis – kuita maronda kana mavara-mavara paganda remumusoro, pamafudzi nepasi pemakumbo zvichikonzerwa nekurumwa nehumhutu. Seborrheic Eczema – mavara eyellow anoita paganda akaita kunge ane mafuta akawanda. Mavara aya anowanza kuwanikwa kumeso.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *