Kingstone Mapupu
YAKAVE batai-batai panhepfenyuro yeStar FM manheru emusi weChipiri svondo rino apo mhuri yekwaSeke ina sekuru vekupondwa vachipiswa apo vainzi muroyi yakange yakokwa kunokurukura pamusoro penyaya iyi ndokuguma voda kubatana pahuro – vatereri vachinzwa. Mhuri yekwaMahungo yakange yaenda pachirongwa cheTilda Show kunokurukura nezvenyaya yemurume wemumhuri yavo, Sekuru Musekiwa Mahungo, avo vakafa vachirohwa nekupiswa nemoto nehama dzavo vachipomerwa kuva muroyi.
Pachirongwa chepanhepfenyuro ichi, mhuri yekwaMahungo yaitungamirirwa naVaRichard Dzanwa (73), vanova munin’ina wemushakabvu.
VaDzanwa ndivo baba vaDavid Mahungo, uyo akatomiswa mudare redzimhosva achipomerwa kuponda Sekuru Musekiwa achibatsirana nevamwe vake avo vachiri kutsvagwa nemapurisa.Vamwe vaiva pachirongwa ichi vaisanganisira madzimai maviri emushakabvu, Mai Esther Murombedzi Mahungo (73) vanova vahosi naMai Elizabeth Zimbudzana Mahungo (53) nemunin’ina wavo, Mai Auxillia Ndoro (47).
Muhurukuro yakaitwa paStar FM, mhuri iyi yakagumisira isisawirirane pakurondedzera kwavaiita nyaya inotyisa iyi.
Imwe nyaya yakakonzera kupopotedzana yaiva yehuwandu hwevanhu vanonzi vakarova muchakabvu kusvika afa apo Mai Esther Mahungo vaiti murume wavo akapondwa nevanhu vanomwe, avawo VaDzanwa vachiti Sekuru Musekiwa vakarohwa nevanhu vashanu.
“Murume wangu akarohwa nevana 7 kusvika afa kusanganisira naDavid mwana wababamudiki ava (vachinongedzera VaDzanwa),” vakadaro.
VaDzanwa vakabva vaviruka nehasha ndokutanga kupopotera muramu wavo vachiti ainyepa.
“Taura chokwadi iwe, vanhu 7 papi, nani wacho? Vaiva 5 chete, kana musingazive nyararai,” vakadaro VaDzanwa mutori wenhau uno aripowo.
Vatereri venhepfenyuro iyi vakatanga kuchaya nhare vachibvunzurudza vanhu ava, kunyanya VaDzanwa, avo vakange voviruka nehasha.
“Maida kuti ndiite sei ini iye sabhuku ainge aripo. Ndiye muridzi wemusha. Zvamava kundibvunza zvinoshatirisa, dai ndaziva ndisina kuuya kuno (kuStar FM),” vakadaro VaDzanzwa kumumwe mutereri ainge avaudza kuti vane chekuita nekupondwa kwemukoma wavo.
Imwewo nyaya yakazonetsa, iyo yakabudira panhepfenyuro, ndeye nyoka yainzi yaionekwa mumba memukadzi mudiki weSekuru Musekiwa, iyo anonzi aiti yaimuita mukadzi.
“Panyaya yenyoka bvunzai mainini ava, taurai nekuti ndimi maiuya kwandiri muchiti murume wenyu ane nyoka yaikuitai mukadzi. Kunyepa here, mave kuramba nhasi?” vakadaro VaDzanwa.
Mai Elizabeth Zimbudzana Mahungo vakabvuma kuti vaiona nyoka mumba mavo yerudzi rwenyamafingu asi ndokuramba kuti yaivaita mukadzi.
“Nyoka ndaiiona mumba mangu, yenyamafingu. Zvimwe izvi hamheno. Imi ndimi maiti mwanasikana wenyu ari kunanzvwa miromo yake nenyoka, handizvo here?” akadaro mukadzi mudiki uyu achibvunza muramu wake.
Bopoto remhuri iyi raitozopomhodzwa naTilda Moyo-Karizamimba, muridzi wechirongwa.
Mhuri iyi yakakakavadzana zvakare pamusoro penyaya yechikumbiro chakaiswa pamhepo chekuti vakapisirwa musha mubongozozo iri vabatsirwe neveruzhinji zvichinzi Mai Elizabeth Zimbudzana Mahungo havafanirwa kuwana rubatsiro urwu nekuti dzimba dzavo hadzina kuparadzwa.




