Eheka, wakandibata nechikomba, saka?

Gamuchirai Muzanenhamu—
MURUME wekuzama kunzvenga kubhadhara mendenenzi achiti aimbova mudzimai wake akamuudza kuti mwana waari kubvisira mari ndewechikomba, akazoshaya pekupinda mudare nekunyara zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chake.

Zvakanaka Muwandi akamhan’arira Daphine Borerwe kuHarare Civil Court achida kuti asabhadhare mendenenzi.

“Ndauya kuno kuti mari yandiri kubvisa yemendenenzi ndisaibhadhare nekuti amai ava vakandiudza kuti mwana haasi wangu mushure mekunge ndamubata aine chikomba. Akandiudza izvozvo pamberi pechikomba saka kuti ndirambe ndichibhadhara mari kumwana wandakaudzwa kuti haasi wangu handichada,” anodaro Muwandi.

Anoenderera mberi achiti mwana wacho haasati atoreswa gwaro rekuzvarwa zvisinei nekuti atokura.

“Chimwe chiri kuita kuti ndisade kubhadhara mendenenzi inyaya yekuti mwana wacho haana birth certificate asi atokura, zvichida vari kutya kumutoresa vachiti ndingaone kuti mwana haasi wangu,” anodaro.

Borerwe anoti kubatwa kwake nechikomba hakunei nekubhadharwa kwemendenenzi yemwana uye haana kumboudza Muwandi kuti mwana uyu haasi wake.

“Hatigare tese nemurume uyu, saka zvandinoita hazvinei naye uye zvekuti akandibata nechikomba hazvinei nemari yemendenenzi yekuchengeta mwana wake.

“Handina kumbomuudza kuti mwana haasi wake nekuti munhu waari kuti chikomba mudzidzisi wangu, saka hapana pandaizomboti mwana ndewake iye asiri baba vemwana. Kana achida tinonoita maDNA test,” anodaro Borerwe.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaMuwandi ndokuti vanofanirwa kuitwa ongororo yeDNA kuti zvibude pachena kuti mwana uyu ndewake here kana kuti kwete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *