Kubheka mabhanzi

MABHANZI imbuva yakanaka nguva dzose – kungave kuvana vechikoro kana kuvanhu vakuru – sezvo asingakasike kuipa uye anopa simba.

Svondo rino Amanda Shingirai wekuHwedza anotsanangudza mamwe mabhekerwo emabhanzi.

Zvinodiwa:
2kg yefurawa isina mbiriso, zvipunu (tablespoons) zviviri zvembiriso nemunyu, chidimbu chekapu cheshuga nemakapu mana emvura inodziya.

Mabikiro:

Tora furawa, munyu neshuga woisa mekukanyira. Chisanganisa nemvura inodziya nembiriso wosiya zvakadaro kwenguva inokwana awa kuti zvifute.

Zora mafuta mupani wosanganisa zvakare zvawakanya wochizozvidimura uchiisa mupani.

Chizviisa muhovhoni kwemaminitsi 30 kusvika 45.

Kana zvatsvukira, bura wozora mvura yakasanganiswa neshuga (sugar syrup) kuti zvisaomarare.

Isa padivi kuti zvipore.

Kana zvadai, chigadzirirai tafura mudye nemhuri.

Mabhanzi anodyiwa uchinwa nesvutugadzike, maheu kana zvimwe zvinwiwa sesarudzo yako.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×