Eke hutu nemubairo weBig Brother Naija

Munyori weKwayedza
MERCY Eke ndiye akahwina mubairo mukuru wemuchirongwa cheBig Brother Naija 2019 icho chinobuda paDSTV zvakaita kuti ave mudzimai wekutanga kuhwina mumutambo uyu.

Akange ari makuwerere nemusi weSvondo wadarika apo Mercy akapihwa mubairo wake we60 miriyoni Naira mushure mekukunda dzimwe shasha dzaaikwikwidzana nadzo dzinosanganisira Mike, Frodd, Omashola naSeyi mumutambo uyu weBig Brother Naija Pepper Dem.

Pavashanu vakange vasara muimba iyi, Mike akapedza ari pechipiri, Frodd ari pechitatu kozoti Omashola ndiye aive ari pechina uye pechishanu paina Seyi.

Uyu wakange uri mwaka wechina wemutambo uyu.

Shasha dzemhanzi dzine mukurumbira dzekuNigeria dzinoti Tiwa Savage naM.I, Patoranking, Dj Obi naDj SSnatch ndivo vaitandadza veruzhinji pagungano rekupihwa kwemibairo iri.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *