Emery oda vamwe vatambi

UNAI Emery anovimba kuti Arsenal ichamutsigira muna Ndira uno nekumutengera vamwe vatambi, asi akaramba kutaura kuti Denis Suarez achange ari mumwe wacho here.Mutambi weBarcelona uyu ari kunzi ari kudiwa chaizvo nechikwata chekuEmirates ichi uko achasanganiswa zvakare naEmery uyo waakashanda naye kuSevilla.

Chikwata chake chichangobva kukunda Blackpool 3-0 mumutambo weFA Cup third-round.

Emery anoti,” Ndinofunga kuti chikwata chiri kushanda kutsvaga vatambi vanogona kutibatsira mumwedzi mina inotevera. Ndinofunga kuti nguva ino tinogona kubatsirika tikatsvaga mutambi wekumashure. Asi hazvisi nyore nekuti tina Konstantinos Mavropanos uyo ari kudzoka mushure mekumbokuvara. Tinodazve mutambi wekumberi, mumwe chete anokwanisa kutamba kumberi munzvimbo dzakasiyana.”

Paakabvunzwa kuti anoona Suarez achitamba sewinger, murairidzi wemaGunners uyu akawedzera kuti, “Ndipo paaitamba kwese, ndichimurairidza aitamba kurudyi kana kuruboshwe panzvimbo iyoyi.”

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *