Fury adzoka mudariro

AIMBOVE shasha ine bhande retsiva reheavyweight – Tyson Fury – akadzoka kuMarbella nemurairidzi wake Ben Davison apo vari kugadzirira mumwe mutambo wemaround 12 uyo uchareva zvakawanda kumutambi uyu anozivikanwa saGypsy King.

Fury ange achimbozorora hake ari pazororo reKirisimasi nemhuri yake zvichitevera mutambo wake naDeontay Wilder uyo wakaitwa musi wa1 Zvita gore radarika.

Muchinda uyu aimbove unified champion kare uye kaviri kese akazvamburwa akadonha pasi naWilder uyo anove shasha ine mabhande eWBC kuLos Angeles, mumutambo uyo wakazopera uri mangange.

Iye zvino Fury adzoka kuMarbella uye zvikwata zviviri izvi zviri kutarisirwa kutanga hurukuro dzemumwe mutambo une mari zhinji mwedzi uno.

Pamufananidzo uyo waakaisa paInstagram, Fury akange anaDavison mumwe mutambi wetsiva, Joe McCann naJono Carroll apo ari kuedza kusimudzira kubva paakasira mugore ra2018.

Mushure mekupedza makore maviri asiri kukwikwidza, Fury akadzoka mutsiva gore radarika munaChikunguru akasangana naSefer Seferi ndokuramba achikwikwidza izvo zvakamuona achirwa zvakare naFrancesco Pianeta.

Kunyangwe vamwe vatambi ava vaive vepasi, Fury akazokwidza makata ndokusangana naWilder ndokumisidzana nechizvarwa chekuAmerica ichi kwenguva refu mumutambo wavo muna Zvita. – SportsMail boxing

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *