Ennis-Hill odzoka mudariro

SHANGWITI yemujaho wekumhanya, Jessica Ennis-Hill, oti ava kudzoka kuzopinda mumijaho zvichitevera kumbozororora kwaakamboita kwemakore angangosvika maviri mushure mekusununguka mwanakomana wake, Reggie. Ennis-Hill (29), uyo anove shasha yekusvetuka zvakare, achange achipinda mumujaho wekumhanya pamwe nekusvetuka kumakwishu eGreat CityGames.

Imwe nyanzvi yemujaho zvakare, Katarina Johnson-Thompson (22), achapinda mumijaho ichaitwa mumugwagwa mukuru wekuManchester weDeansgate musi waChivabvu 9.

Ennis-Hill anoti atononokerwa nekudzoka mudariro uye anoda kudzoka zvine mutsindo.
Chizvarwa chekuSheffield, Ennis-Hill, akapedzisira kupinda mumakwikwi pamhemberero dzeAnniversary Games idzo dzakaitirwa kuLondon muna Chikunguru 2013 apo akaita nhamba 4 mumujaho wekumhanya nekusvetuka mamita100.
Vatsigiri vanodarika 25 000 vachaona kudzoka kwake mumakwikwi aya.

Johnson-Thompson, uyo ari kusimukira zvakanyanya munyaya dzemijaho, akaratidza kuti ishasha yemhando yepamusoro panguva iyo Ennis-Hill ainge ari pazororo.

Chizvarwa chekuLiverpool, Johnson-Thompson, akadarika chikero chakambosvikwa naEnnis-Hill pakusvetuka, kumhanya pamwe nekukanda (discus) apo akawana mapoinzi 4 965 mumijaho yakasiyana. Mudzimai uyu akasvitsa zvakare mapoinzi 5 000 kumakwishu eEuropean Indoor Championships ayo akaitirwa kuPrague. — BBC Sport.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×