Epworth High School haisi kumira

Muchaneta Chimuka —
CHIKORO cheEpworth High, chiri muHarare, chiri kubudirira muzvidzidzo zvemabasa emawoko zvinosanganisira kurima nekupfuya hove, izvo zvinoenderana nezviri mugwaro idzva rezvedzidzo, reNew Cirriculum.

Pachikoro apa pari kuitwa zvimwe zvidzidzo zvemabhindauko anosanganisira kuchengeta huku, tsuro, kusona nekubika.

Zvidzidzo izvi zvinofambirana zvakare nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

Mukuru wechikoro ichi, VaChristopher Kadenge, vanoti mabhindauko akadai sekupfuya hove, kuchengeta huku netsuro anobatsira vana mune ramangwana.

“Tine vana vanoita zvekurima saka vanoti kana zviya vachinge vafunda mukirasi voenda kudhamu kunoona machengeterwo ehove nekumatanga ehuku vachiona kuti huku dzinopfuiwa sei nekuziva chikafu nezvirwere zvinobata zvipfuyo izvi.

“Izvi zvinoita kuti vana vakurumidze kubata zvavanenge vachifundiswa. Mabhindauko aya ari kubatsira zvakare chikoro chino nekuti anotiwanisa mari apo tinotengesa mazai nehuku uye hove dzatinoraura mumadhamu maviri echikoro atakavakisa pano,” vanodaro.

Vanoti kumupande weHome Economics, vana vane zvitofu nemapoto zvavanoshandisa muzvidzidzo zvekubika uye michina yekusona mbatya idzo vanozotengesa.

Pachikoro apa pane makombiyuta akawanda ayo vadzidzi vanofundira zvidzidzo zveInformation and Communication Technology (ICT).

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×