Evidence anoda mari yechikoro

Kingstone Mapupu —
MUSIKANA asingaone uyo anogara kumahositeri ekuMatapi, kuMbare, muguta reHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwemari nezvimwe zvekuti akwanise kuenderera mberi nechikoro zvichitevera kusiira kwaakaita fundo panzira nekuda kwekushaya mari.

Evidence Katsa (27) wepaBlock B16 anoti akaregedza chikoro paKapota School of the Blind, kuMasvingo, apo akange ave Form 4 mushure mekushaya mari.

Musikana uyu anogara nemukoma wake, Kumbirayi Masarira (40), uye anoti ane shungu dzekuenderera mberi nedzidzo yake.

“Ndaedza zvose zvandinogona kuti ndiwanewo mari yekuenderera mberi nechikoro asi hapana chiri kufamba. Vabereki vangu vose vakafa, ndinotochengetwa nemukoma wangu pano,” anodaro Katsa.

Masarira anoti ndiye aimbobatsira munin’ina wake nemari yechikoro asi zvinhu zvakazosanduka paakafirwa nemurume wake.

“Evidence akasiira chikoro muForm 4 tashaya mari yekuti apedzise. Tinoda kuti adzidze mabasa emawoko nekuti zvimwe zvacho anozvikwanisa zvikuru,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Chirongwa cheBeam chaimbomubatsira asi akazobviswa. Kuchikoro uku aibvisa $350 patemu. Iniwo ndine vana vandinochengeta vandakasiirwa nemurume nevamwewo vanin’ina vangu,” anodaro.

Katsa anonzi akaberekwa asingaone.

“Kuti Evidence adzokere kuchikoro tinoda $3 000 zvichienda mberi. Saka tinokumbirawo kune vanokwanisa vatibatsire mwana waamai vangu awanewo chekuita muupenyu,” anodaro Masarira.

Kune vanoda kubatsira Evidence vanogona kuridza nhare dzinoti 0773 826 519.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×