‘Exam fees’ haisi kukwira

Zvamaida Murwira
MARI inobhadharwa nevadzidzi kuti vanyore mazamanishoni emuno haina kukwidzwa zvichitevera chisungo chakaitwa nedare reCabinet svondo rino chekuti mari iyi irambe iri payaive iri muna2018.

Mari yekunyora A-Level i$26 pachidzidzo chimwechete, apo vana veO-Level vachabhadhara $15, kuchiti veGrade 7 vachibvisa $6 pachidzidzo chimwechete. Mashoko aya akaziviswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, apo vaitaura kuvatori venhau mushure mekuitwa kwemusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri svondo rino.

“Mushure mekuturwa kwemashoko negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari pamwe nekuzeya nyaya iyi zvizere tichitarisa vabereki maringe nekuoma kwakaita nyaya dzeupfumi hwenyika pari zvino, Cabinet yaita chisungo chekuti mari yekunyora bvunzo dzeZimbabwe Schools Examination Council yeGrade 7, O- neA-Level icharamba iri payagara iri,” vanodaro Cde Mutsvangwa.

Vachipindura mibvunzo kubva kuvatori venhau, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Hurumende yakaona kuti vabereki vazhinji vari kunetseka kuwana mari, nekudaro mari yekuti vana vanyore mazamanishoni haina kuwedzerwa kubva payakange iri gore rapera. Vabereki vagara vachinetseka kubhadhara mari yekuti vana vavo vanyore bvunzo dzakasiyana uye dzimwe nguva Hurumende inosvika pakuwedzera mazuva ekubhadharwa kwemari iyi kuitira kuti mwana wose awane mukana wekunyora bvunzo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *