Sainzi dzinokosha: rcz

Abel Ndooka
BOKA rinoona nezvetsvakurudzo munyika muno, reResearch Council of Zimbabwe (RCZ), rinoti zvakakosha kusimudzira ruzivo rwesainzi kuburikidza nekugadzira zvinhu zvinobatsira mukusimudzira upfumi hwenyika.

Mashoko aya akataurwa nachamangwiza weRCZ, Mai Susan Mutize, vachiti Zimbabwe yakakomborerwa zvikuru nekuva nevanhu vanoshanda nesimba.

RCZ svondo rino yakaronga gungano re12th Zimbabwe International Research Symposium, muHarare iro riri kupindwa nenhengo dzinobva kunyika dzakasiyana.

Mai Mutize vanoti zvidzidzo zvesainzi zvakakosha zvikuru mubudiriro yenyika ino nekudaro vanotarisira kudzidza zvakawanda kubva kugungano iri.

“Zimbabwe izere nevanhu vakadzidza vanoshanda nesimba, saka tiri kuti symposium iyi ichabatsira kusimudzira munhu wese anotsvaga zvekuita muupenyu hwake. Pachapakurwa magwaro etsvakurudzo dzakadzama idzo dzakaitwa uye tinovimba kuti izvi zvichabatsira mukufundisa veruzhinji,” vanodaro Mai Mutize.

Vanoti yasvika nguva yekuti Zimbabwe ichitanga kugadzira zvinhu zvakasiyana izvo zvinozotengeswa muno nekune dzimwe nyika.

“Tikakwanisa kugamuchira sainzi kuti ndiyo nzira yekufamba nayo, tinenge taita zvakanaka chose nekuti kuburikidza nesainzi, tinokwanisa kuita zvakawanda sekugadzira zvinhu zvatinotengesa muno uye nekunze, tichitounza mari munyika,” vanodaro.

Vanoti gungano iri richapindwa nenhengo dzichabva kunyika dzinosanganisira Zimbabwe, South Africa, Botswana, Singapore neUnited Kingdom. Vechidiki vemuno – kusanganisira vana vechikoro – vacharatidzira zvigadzirwa zvavo zvesainzi kuHarare International Conference Centre uko kuri kuitirwa gungano iri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *