Fetereza itsva yakaburwa

KAMBANI ine mukurumbira wekugadzira fetereza kubva mumanyowa yeNico Orgo yakabura fetereza itsva yepamusoro yeOrganic and Enriched Top Dressing inova yekutanga munhoroondo yayo.

Fetereza iyi inotarisirwa kunge yave kuwanikwa muzvitoro zvose zveFarm and City zvakateshera nenyika mumasvondo mashoma anotevera.

Vachitaura vari muHarare nguva pfupi yadarika, Mai Lucia Muza avo vanova mukuru anoona nezvekutengeserana kukambani iyi, vakati fetereza iyi ine chikamu chekudya kwose kunodiwa nezvirimwa zvemhando dzakasiyana.

“Fetereza yedu iyi iri muzvikamu zvakasiyana zvinosanganisira mumasaga emakgs mashanu, gumi, makumi maviri kusvika makumi mashanu. Isu tinoti kuvarimi mwaka uno vamboshanda nayo sezvo ichichengetedza hunyoro iyo isingayeredzwe nyore nemvura inoda chete kungoiswa masvondo mana muzvirimwa zvamera,” vakadaro Mai Muza.

“Fetereza iyi yakanakira zvikuru chibage nezvimwewo zvirimwa uye tinokurudzira varimi kuti vashandise mupimo wekapu yenhamba 8. Pamunda wakatandavara hekita imwe chete panodiwa fetereza inokwana 300 kgs kana kuti masaga matanhatu ehuremu hwemakgs 50.”

Vanoti panotanga mwaka wezhizha waswedera uyu, fetereza iyi ichange yazara muzvitoro zvose zveFarm and City.

Kambani iyi yagara ichigadzira imwe fetereza yepasi inosanganisira inozivikanwa nekuti 777 iyo inoda muvhu rejecha neimwewo itsva – 7147 – inodawo muvhu rakasimba.

Mai Muza vakayambirawo varimi kuti vasiyane netsika yekutenga fetereza mumusika wemukoto kana zvimwewo zvekurimisa senzira yekuzvidzivirira kubva mukubirwa nemakoronyera.

Zvakadai, vanoti kambani yavo ine muchina mutsva wekugadzira fetereza kuBindura uyo unogadzira matani efetereza anosvika 600 pazuva.

“Isu seNico Orgo tiripo kushanda nenyika kuti iwane zvirimwa zvinokwanira kudya nekutengesa. Varimi ngavauye titaure tishandise manyowa edu epasichigare,” vakadaro Mai Muza.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×