Vadzidzi voratidzira matarenda

SANGANO rakazvimirira, reTertiary Institutions Festival of the Arts in Zimbabwe (TIFAZ) riri kupa mukana kuvadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji wekuti varatidzire matarenda avo ezvipo zvemabasa emawoko pamwe nekupangana mazano.

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi paMasvingo Polytechnic nguva pfupi yadarika, sachigaro wacho, VaAtanas Ruzive, vakati donzvo ravo rakananga kusimudzira matarenda evadzidzi vane zvipo zvemabasa emawoko sekudhirowa kana kuveza. “Vadzidzi vanowana mikana yekupanana ruzivo nekuratidzana mabasa avo sezvo vanenge vachibva kumayunivhesiti nemakoreji mumapurovhinzi akasiyana,” vakadaro VaRuzive.

“Chirongwa ichi tinochiita gore negore zvakare tichitenderera mapurovhinzi ose uyewo seTIFAZ, donzvo redu rakananga kusimudzira tsika, mitambo nemagariro mumayunivhesiti nemakoreji.”

Vanoti izvi zvinoenderanawo nechirongwa cheHurumende chekuvadzudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset, icho chinokurudzira kutsigirwa pamwe nekusimudzirwa kwemabasa emawoko.

“Ndinokurudzira vadzidzi vachiri kupuraimari nekusekondari kuti vakoshese zvidzidzo zvemabasa emawoko uye kuti vazive kuti hazvisi zvemarombe sepfungwa dzine vamwe. Kune vakawanda vari kubudirira nazvo, zvidzidzo zvakanaka chaizvo.

“Kuvabereki, ndinoti musarambidza vana kuratidza pamwe nekuenderera mberi nematarenda avo,” vakadaro VaRuzive.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×