Fodya yatanga kutengeswa

Elita Chikwati
MWAKA wekutengeswa kwefodya wa2020 wakavhurwa nezuro uye kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) inoti iri kugutsikana nekugadzirwa kwakaitwa nzvimbo dzinotengeserwa chirimwa ichi zvichifambirana nekuderedza kutapurirana nekupararira kweCovid-19.

Kumisika iyi kwakaiswa makiriniki pamwe chete nenzvimbo dzinoiswa vanenge vabatwa nechirwere ichi.

Vari mune zvekurimwa nekutengeswa kwefodya vanoti vakagadzirira kuvhurwa kwemisika iyi kunyangwe zvazvo pari kutarisirwa kuti fodya ichauya shoma pamazuva maviri ekutanga.

Varimi vachange vaine mabhero ari pasi pezana havasi kuzopinda munzvimbo dzekutengeserwa fodya uye vachamirirwa nemurimi akanyoreswa kuTIMB pakutengesa goho ravo.

Varimi ndivo vanosarudza vanovamiririra voga vanotenderana pane zvinodiwa, vonyorerana pasi.

Misika inotengeserwa fodya muHarare inosanganisira TSF, Boka Tobacco Floors (BTF) nePremier Tobacco Floors (PTF) yakatora matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19 sekuve nenzvimbo dzekugeza shangu vanhu vachipinda, mishonga yekugeza maoko pose panopinda nevanhu nemamasiki evarimi.

Chamangwiza weTIMB, Dr Andrew Matibiri, vanotsinhira kuti kwose kunotengeserwa fodya vagadzirira zvakakwana.

“Varimi vari kuuya vachiri vashoma pari zvino. Tiri kuramba tichishambadzira kuvarimi uye tinovimba kuti mashoko enzira dzekudzivirira Covid-19 ari kusvika kwavari,” vanodaro.

Managing Director weBTF Mai Chido Nyakudya vanoti vachange vachitengesa fodya kunzvimbo nhatu dzinoti Harare, Rusape neKaroi.

Vanoti vari kutarisira kuti varimi vachange vari vashoma pakutanga sezvo paine mitemo mitsva yematengeserwe efodya uye varimi vakanonoka kuziviswa.

Director weZimbabwe Farmers’ Union (ZFU), VaPaul Zacharia, vanoti varimi vefodya yemadiridziro vari mubishi kuikohwa nekuipisa.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *