Vanyori veKwayedza
DANHO rakatorwa nedare reCabinet nemusi weChipiri rekuti maroja anenge anonoka kubhadhara rendi asadzingwe paanogara panguva ino nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19 rogashirwa nepakasiyana.
Dare reCabinet rakaita chisungo chekuti padzikwe mutemo unotendera kuti vanhu vanenge vachiroja, makambani anobhadhara mitero nemamwe mapoka vasadzingwe pavanenge vachiroja kana kubhadhariswa imwe mari pamusoro (interest) mushure mekunge vanonoka kubhadhara.
Kwayedza inoita hurukuro neveruzhinji pamusoro penyaya iyi.
Sekuru Peter Maponda vemuHarare vanoti idanho rakanaka kuti varidzi vedzimba kana makambani vanzwisisane nevanoroja sezvo nyika iri panguva yakaoma.
Kuchiti VaVengai Kembo avo vanogara muLusaka, kuHighfield, muHarare, vanoti nyaya iyi yakanaka asi ine payakaomawo.
“Nyaya yakataurwa neHurumende yakanaka asi zvinogona kukonzeresa kuti varidzi vedzimba nevanoroja vanetsane nekuti vamwe vanorarama nedzimba idzodzo uye maroja haasi kukwanisa kuwana mari nekuti vakamira kuenda kubasa.
“Dai Hurumende yaisawo zvirongwa zvekupa rubatsiro kuvaridzi vedzimba vacho nekuti vamwe ndiyo mari yavanotengesa chikafu nezvimwewo,” vanodaro.
Advocate Darlington Chidharara vanoti pamutemo, maroja akachengetedzwa sezvo Hurumende yataura mafambiro ezvinhu asi zvinoda kuti vanhu vazvinzwisise nekuzvigamuchira.
“Hurumende yaita zvakanaka nekuti vanhu vakaomerwa uye danho iri rinochengetedzawo maroja. Asi zvave kuda kuti varidzi vedzimba vanzwisise kuti nyika yose iri panguva yakaoma nekuti pasina izvozvo inoita hondo mudzimba,” vanodaro.
Mbuya Tsitsi Mtudza vekuRuwa vanoti danho ratorwa neHurumende rinogona kukonzeresa mitauro pakati pemaroja nevaridzi vedzimba.
“Nyaya iyi yakaoma uye nekuda kwe’lockdown’, takatotarisira mari iyi kuti tibatsirike. Saka zvekuti vabvise mari pashoma nepashoma zvakaoma nekuti vamwe vanotozokundikana kuibhadhara zvachose. Saka zvozofamba sei uye Hurumende inozotibatsira here kupihwa mari dzedu?” vanodaro .
Mbuya Nancy Mufarinya vekuBudiriro, muHarare, vanoti mari yerendi vanotoida nekuti ndipo pavanoraramira.
“Mari ndiyo yatinoda nekuti ini handina zvandinokwanisa kuita nelockdown iyi. Vangangogara here, mari havaishaye vanotipa,” vanodaro Mbuya Mufarinya.
Vanoenderera mberi vachiti: “Ini handishande, mari yerendi ndiyo yandinorarama nayo.”
Mai Ottilia Sungano (46) vekuUnit O, kuChitungwiza, vanoti vanoda mari yavo panopera mwedzi woga-woga.
“Ini ndiri shirikadzi, mari yerendi yemba nechitoro ndiyo inondiraramisa nevana nevazukuru vangu. Saka anoda kutevedza zviri kutaurwa izvi anobva pamba pangu onogara kumwe. Ndinenge ndichidyei pakati pose apa?” vanodaro.
Kuchiti Mai Tatenda Munemo vekuChitungwiza zvekare vanotiwo:
“Kana tikasapihwa rendi tinofa nenzara nekuti tose muroja nemuridzi wemba tiri mu’lockdown’. Wangu muroja atori nani nekuti anoshanda pakambani achitambira, asi kana akanzwa nyaya iyi anogona kunonoka,” vanodaro.
Sir Vanco (35) anoti akatobva kumusha kuzotora mari yerendi.
“Zvinoda kunzwanana nekuti ndatouya kuzotora mari yerendi kubva kumusha, saka zvikanzi mari inonoke kuuya kwatiri ndinomirira kusvika rinhi?” anodaro.




