Foley, Bryan vave panyanga

MICK Foley akasarudzwa kuve general manager weWWE Raw kotiwo Daniel Bryan akagadzwa pachigaro chinopisa chekuSmackdown.Vatungamiri veRaw neSmackdown, Stephanie McMahon naShane McMahon, vakazivisa kugadzwa kwaFoley naBryan musi weMuvhuro svondo rino.

Vatambi WWE Superstars havasati vaziviswa kuti vachange vachikwikwidzira kupi pakati peRaw neSamckdown uye nguva inotevera pachaitwa sarudzo iyo ichaburitswa paSky Sports 5.

Foley akakwikwidza kwenguva refu muWWE, akakwanisa kuhwina mabhande akasiyana anosanganisira matatu epasi rose nerimwe chete reHardcore Championship, pamwe nemasere eTag Team Championship apo ainge akabatana nevamwe vatambi vakaita sa‘Stone Cold’ Steve Austin, The Rock naKane.

Asi muchinda uyu – uyo aikwikwidza nemazita emadunhurirwa akasiyana anosanganisira Mankind, Cactus Jack naDude Love — anonyanya kurangarirwa nepanguva iyo paakadonha kubva pamusoro pekeji mumutambo weHell in a Cell uyo waakakwikwidza naThe Undertaker mugore ra1998.

Zvakadaro, Bryan akamanikidzwa kusiya kukwikwidza mumutambo uyu mushure mekunge akuvara zvakaipisisa mumusoro wake.

Chizvarwa chekuWashington ichi, akatanga kupinda muWWE mugore ra2010 ari muchikwata cheNexus ndokuzohwina mabhande mana anosanganisira Inter-continental, United States neTag Team kamwe chete. — Sky Sports News

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *