Fowler mumakwikwi eIrish Open

SHASHA yemutambo wegorofu, Rickie Fowler, achapinda mumakwikwi eIrish Open ayo achaitirwa kunhandare yegorofu yeRoyal County Down.
Chizvarwa chekuAmerica, Fowler, akatsinhira achiti achapinda mumakwikwi aya muna Chivabvu gore rinotevera. Fowler, uyo akatamba zvinodakadza kumakwishu makuru anokwana mana akaitwa gore rino, ishamwari yenyanzvi yegorofu pasi rose, zvikuru sei yemakwikwi eCounty Down aya, Rory Mcllroy.

Hushamwari hwavo hwakatangira munhandare yegorofu iyi apo vaikwikwidza mumukombe weWalker Cup mugore ra2007.
“Zvinenge zvakanaka kana tose tikakweshana pekupedzisira, kufanana nemakwishu makuru akaitwa gore rino. Ndinofunga kuti zano raRichie rekupinda mumakwikwi aya rinoratidza kuti nyika yaanomirira yeIreland ine nhandare dzakanaka zvikuru uye zvinotsigirwa zvakare nekudokwairira kwatinoita makwikwi eIrish Open kuti tibuditse pachena kunaka kwaakaita,” akadaro — BBC Sport.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×